Nahumi 3 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

1“Guta reropa rine nhamo! Rizere nenhema nokupamba; zvakapambwa hazviperimo.

2Kurira kwetyava, nomubvumo wokutinhira kwamakumbo engoro, nowokutsika kwamabhiza, nengoro dzinonjarika,

3nowavatasvi vanomhanyisa, nomunondo unopenya, nepfumo rinovaima, navazhinji vakaurayiwa, nomurwi mukuru wezvitunha; zvitunha hazviperi, vanogumburwa nezvitunha zvavo;

4nemhaka yokufeva kuzhinji kwechifeve chakanaka pakudikanwa, iye mwene wouroyi, anotengesa marudzi avanhu nokufeva kwake, nemhuri dzavanhu nouroyi hwake.

5Tarira, ndine maka newe ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo ndichakufukura ndiise nguo dzako kuchiso chako; ndicharatidza marudzi ose kushama kwako, uye ushe hwose kunyara kwako.

6“Ndichakandira pamusoro pako tsvina inosemesa, nokukushatisa, nokukuita chinhu chinotarirwa navose.

7Ipapo vose vanokuona vachakutiza, vachiti, ‘Ninivha raparadzwa, ndiani acharichema? Ndichakutsvakirepi vanyaradzi?’ ”

8Ko iwe unopfuura No–amoni, rakanga rakavakwa pakati penzizi, rakanga rakapoteredzwa nemvura; rusvingo rwaro raiva gungwa, namadziro aro raiva gungwazve?

9Itiopia neIjipiti raiva simba raro, rakanga risina mugumo; Ribhia aiva mubatsiri wako.

10Kunyangwe zvakadaro vakazoenda naro, rakatapwa; vana varo vaduku vakaputsanyiwa pakuvamba kwenzira dzose dzomumusha; vakakanda mijenya pamusoro pavaikudzwa pakati pavo, vakuru varo vose vakasungwa namangetani.

11Newewo uchabatwa newaini, uchandovanda; newewo uchandotsvaka nhare nemhaka yomuvengi wako.

12Nhare dzako dzose dzichafanana nemionde ina maonde otanga kuibva; kana ichizunzwa, anowira mumuromo woanodya.

13Tarira, vanhu vako pakati pako vakaita savakadzi; masuwo enyika yako azarurirwa vavengi vako kwazvo; moto wapedza zvipfigiso zvako.

14Zvicherere mvura yokunwa pakukombwa kwako, simbisa nhare dzako, pinda mudope ukanye ivhu, ubate foroma.

15Moto uchakupedzapo, munondo uchakuparadza, uchakupedza segwatakwata; zviitei vazhinji segwatakwata, zviitei vazhinji semhashu.

16Makawanza vatengesi venyu vakapfuura nyenyedzi dzokudenga; gwatakwata rinoparadza, ndokubhururuka richienda.

17Machinda enyu akaita semhashu, vakuru venyu semhashu zhinji zhinji, dzinovata pazhowa kana kune chando, asi kana zuva rabuda dzinobhururuka dzichienda, hadzichazikanwi kwadziri.

18Vafudzi vako vanotsimwaira, iwe mambo weAsiria, vakakudzwa vako vanyarara, vanhu vako vakapararira pamakomo, hakuna angavaunganidza.

19Kukuvadzwa kwako hakungarapwi, vanga rako rakaipa kwazvo; vose vanonzwa guhu rako vachakuitira nondo; nokuti ndianiko akanga asingatambudzwi nguva dzose nezvakashata zvako?

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help