Mapisarema 37 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

Mufaro wavakaipa ndowenguva dukuPisarema raDhavhidhi.

1Usava neshungu nokuda kwavanoita zvakaipa,

Usagodora vanoita zvisina kururama.

2Nokuti vachakurumidza kudzurwa souswa,

Vachaoma semuriwo mutema.

3Vimba naJehovha, uite zvakanaka;

Gara panyika, ushingairire kutendeka.

4Farikana kwazvo kuna Jehovha;

Iye agokupa zvinodikanwa nomwoyo wako.

5Isa nzira yako kuna Jehovha;

Vimbawo naye, iye achazviita.

6Iye achabudisa kururama kwako sechiedza,

Nokururamisirwa kwako samasikati.

7Nyarara pamberi paJehovha, umurindire unyerere;

Usava neshungu pamusoro poanofara panzira yake,

Pamusoro pomunhu anoita mano akaipa aakafunga.

8Rega kutsamwa, urashe hasha;

Usava neshungu, zvinongotadzisa munhu.

9Nokuti vanoita zvakaipa vachagurwa;

Asi vanorindira Jehovha vachagara nhaka yenyika.

10Kwasara chinguva chiduku, akaipa

haachazovipo;

Zvirokwazvo, iwe uchacherechedza zvakanaka

paaigara, asi haachazovipo.

11Asi vanyoro ndivo vachagara nhaka yenyika;

Ndivo vachafarikana kwazvo norugare rukuru.

12Akaipa anofungira akarurama mano akaipa,

Anomurumanyira meno ake.

13Ishe achamuseka;

Nokuti anoona kuti zuva rake rinouya.

14Vakaipa vakavhomora munondo,

vakawembura uta hwavo;

Kuti vawisire pasi varombo navanoshaiwa,

Kuti vauraya vakarurama panzira;

15Munondo wavo uchapinda pamwoyo yavo imene,

Uye uta hwavo huchavhuniwa.

16Zvishoma, zvakanaka,

zvowakarurama zvinopfuura

Zvakawanda zvavakaipa vazhinji.

17Nokuti maoko avakaipa achavhuniwa;

Asi Jehovha anotsigira vakarurama.

18Jehovha anoziva mazuva avane mwoyo yakarurama;

Nhaka yavo ndeyokusingaperi.

19Havanganyadziswi nenguva yokuipa;

Pamisi yenzara vachagutiswa.

20Asi vakaipa vachaparara,

Uye vavengi vaJehovha vachafanana

nokunaka kwamafuro;

Vacharova; vacharova soutsi.

21Akaipa anokwereta, asingaripizve;

Asi akarurama ane ngoni, anopa.

22Nokuti vanokomborerwa naye

vachagara nhaka yenyika;

Asi vanotukwa naye vachaparadzwa.

23Mufambiro womunhu unosimbiswa naJehovha;

Unofarikana munzira yake.

24Kunyangwe akawa, haangawiswi chose;

Nokuti Jehovha anomutsigira noruoko rwake.

25Ndakanga ndiri muduku, zvino ndakwegura;

Kunyangwe zvakadaro handina kutongoona akarurama

achisiyiwa,

Kana vana vake vachipemha zvokudya.

26Zuva rose anoramba ane ngoni, achiposa;

Vana vake vanokomborerwa.

27Ibva pane zvakaipa, uite zvakanaka;

Ugare zvakanaka nokusingaperi.

28Nokuti Jehovha anoda zvakarurama,

Haasiyi vatsvene vake;

Vanochengetwa nokusingaperi;

Asi vana vowakaipa vachaparadzwa.

29Vakarurama vachagara nhaka yenyika,

Vachagaramo nokusingaperi.

30Muromo wowakarurama unotaura zvenjere,

Rurimi rwake runotaura zvakarurama.

31Murairo waMwari wake uri mumwoyo make;

Pakutsika kwake haangatongotedzemuki.

32Akaipa anovandira akarurama,

Achitsvaka kumuuraya.

33Jehovha haangamuregeri muruoko rwake,

Kana kumupa mhosva kana atongwa.

34Rindira Jehovha, urambire panzira yake,

Iye achakukudza kuti ugare nhaka yenyika;

Kana vakaipa vachiparadzwa iwe uchazviona.

35Ndakaona akaipa ane simba guru,

Achitandavara somuti munyoro panyika yawo.

36Zvino mumwe akapfuurazve,

wanei haachipo;

Ndakamutsvaka, asi akanga asichawanikwi.

37Cherechedzai munhu akakwana,

mutarire akarurama;

Nokuti kuguma kwomunhu uyo rugare.

38Kana vari vadariki, vachaparadzwa pamwechete;

Pakuguma kwavo vakaipa vachaparadzwa.

39Asi kuponeswa kwavakarurama kunobva kuna Jehovha;

Ndiye nhare yavo panguva yokutambudzika.

40Jehovha anovabatsira, nokuvarwira;

Anovarwira kuna vakaipa, nokuvaponesa,

Nokuti vakandovanda maari.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help