1Shoko raMwari rakaonekwa nomuporofita Habhakuku.
2“Aiwa, Jehovha, ndichadana kusvikira rinhiko, imi musinganzwi? Ndinodana kwamuri pamusoro pokuitirwa simba, asi hamundiponesi.
3Munondiratidzireiko zvakaipa, munotarireiko zvisakarurama? Nokuti kuparadza nokuitira vamwe simba zviri pamberi pangu; rukave ruripo, uye kukakavara kunomuka.
4Saka murairo haune simba, uye kururamisira vamwe hakuchaonekwi; nokuti vakashata vanokomba vakarurama; saka kururamisira vamwe kunongoonekwa kwakaminama.
5“Tarirai pakati pamarudzi, muone, mushamiswe kwazvo–kwazvo; nokuti ndinobate basa pamazuva enyu, ramucharamba kutenda kunyangwe muchizviudzwa.
6Nokuti tarirai, ndinomutsa vaKaradhia, rudzi rune hasha runopenga, vanofamba panyika pose, kuti vazvitorere ugaro husati huri hwavo.
7Vanotyisa nokukarudza; kutonga kwavo nokukudzwa kwavo kunobva kwavari vamene.
8“Mabhiza avowo anomhanya achipfuura ingwe, ane hasha kupfuura mapere amadekwana; vatasvi vavo vamabhiza vanomhanya vachiuruka, zvirokwazvo vatasvi vavo vamabiza vanouya vachibva kure, vanobhururuka segondo rinokurumidzira kudya.
9Vanouya vose kuzoita simba; zviso zvavo zvakatarira mberi; vanounganidza vatapwa sejecha.
10“Zvirokwazvo vanodadira madzimambo, machinda anosekwa navo; vanoseka nhare dzose, nokuti vanodzitutira guruva ndokudzikunda.
11Ipapo vanopfuura semhepo, ndokuenda, asi vane mhosva, ivo vanoita simba ravo mwari wavo.
Muporofita anokumbirira vaJudha12“Imi Jehovha, Mwari wangu, Mutsvene wangu, hamuzakavapo kubva pakutanga–tanga here? Isu hatingafi. Jehovha, imi makatema kuti vatonge, nemi dombo, makavaisapo kuti varange,
13Imi, muna meso akaisvonaka, asingadi kutarira zvakaipa, musingadi kuona zvisakarurama, munotaririreiko vanonyengera, muchinyarara kana akashata achimedza akamupfuura nokururama;
14muchiita vanhu sehove dzegungwa, sezvinokambaira, zvisina mubati?
15“Vanovaredza vose nechiredzo chavo, vanovabata mumumbure wavo, vachivaunganidzira murutava rwavo; naizvozvo vanofara kwazvo vano mufaro.
16Naizvozvo vanobayira mumbure wavo, nokupisira rutava rwavo zvinonhuwira, nokuti mugove wavo wakakora nazvo, zvokudya zvavo zvawanda.
17“Zvino vangadurura zviri mumumbure wavo, vakaramba vachiuraya marudzi avanhu here?
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.