Mapisarema 76 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

1Mwari anozikanwa pakati paJudha;

Zita rake iguru pakati paIsiraeri.

2PaSaremiwo ndipo pane tabhenakeri yake,

NapaZioni ugaro hwake.

3Ndipo paakavhuna miseve youta;

Nenhoo, nomunondo, nokurwa.

4Imi munokubwinya, makanaka kwazvo,

Kupfuura makomo ezvakapambwa.

5Vakatsunga pamwoyo, vakapambwa,

vakavata hope dzavo;

Pakati pavarume vane simba hakuna akawana

maoko ake.

6Pakutuka kwenyu, Mwari waJakobho,

Ngoro nebhiza zvose zvinobatwa nehope dzorufu.

7Imi, iyemi, munofanira kutyiwa;

Ndianiko angamira pamberi penyu

kana matsamwa?

8Makanzwisa vanhu kutonga kwenyu

kuchibva kudenga;

Pasi pakatya, pakanyarara,

9Panguva yokumuka kwaMwari kuzotonga,

Kuti aponese vanyoro vose vapasi.

10Zvirokwazvo, kutsamwa kwavanhu kuchakurumbidzai;

Munozvisunga chiuno nokutsamwa kwakasara.

11Pikai, muripire Jehovha Mwari wenyu;

Vose vakamupoteredza ngavauye

nezvipo kuna iye anofanira kutyiwa;

12Iye achagura mweya yamachinda;

Anotyisa kwazvo madzimambo apasi.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help