Mapisarema 26 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

Dhavhidhi anokumbira kuti Jehovha amururamisirePisarema raDhavhidhi.

1Ndichenurei Jehovha, nokuti

ndakafamba nokusanyengera kwangu;

Ndakavimbawo naJehovha ndisinganyunyuti.

2Ndinzverei Jehovha, ndiidzei,

Natsai itsvo dzangu nomwoyo wangu.

3Nokuti unyoro hwenyu huri pamberi pameso angu,

Ndakafamba muzvokwadi yenyu.

4Handina kugara navanhu venhema,

Handingafambidzani navanyengeri.

5Ndinovenga ungano yavanoita zvakaipa,

Handingagari navatadzi.

6Ndichashambidza maoko angu ndisina mhosva;

Ndigopoteredza atari yenyu saizvozvo, Jehovha.

7Kuti ndiparidze nezwi rokuvonga,

Ndiudze vanhu zvamabasa enyu ose anoshamisa.

8Jehovha, ndinoda hugaro hweimba yenyu,

Nenzvimbo panogara kubwinya kwenyu.

9Regai kusanganisa mweya wangu

pamwechete navatadzi,

Noupenyu hwangu navateuri veropa;

10Vakabata zvakashata pamaoko avo,

Ruoko rwavo rworudyi ruzere nefufuro.

11Asi kana ndirini ndichafamba

nokusanyengera kwangu;

Ndidzikinurei, mundinzwire tsitsi.

12Rutsoka rwangu rumire pakati chechetere;

Ndicharumbidza Jehovha paungano.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help