Jobho 16 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

Kunyangwe achichema njodzi yake, Jobho anoziva kuti Mwari achamurwira

1Ipapo Jobho akapindura, akati,

2“Ndatonzwa hangu mashoko mazhinji akadai;

Imi mose muri vanyaradzi pasina.

3Ko mashoko asina maturo achapera here?

Chiiko chinokugombedzera kupindura?

4Neniwo ndaigona kutaura semi;

Kana mweya yenyu yaiva panzvimbo yomweya wangu,

Ndaigonawo kubatanidza mashoko pamusoro penyu,

Ndaikudzungudzirai musoro wangu.

5Asi ndingadai ndaikusimbisai nomuromo wangu,

Nokuvaraidza kwemiromo yangu kwaikuremudzai.

6Kunyangwe ndichitaura hangu, kuchema kwangu hakuremudzwi;

Kunyangwe ndikarega hangu, ndinotapudzirwa neiko?

7Asi zvino iye andinetsa;

Imi maparadza mhuri yangu yose.

8Imi makandibata nesimba, ndizvo zvinondipupurira;

Kuonda kwangu kunondimukira,

Kunondipupurira zvakaipa pachena.

9Iye akandibvarura pakutsamwa kwake, akandivenga;

Akarumanya meno ake pamusoro pangu;

Mudzivisi wangu anondiwetsera meso ake.

10Vakandishamisira miromo yavo;

Vakandirova padama, vachindituka;

Vanoungana kuzorwa neni.

11Mwari anondiisa kuna vasakarurama;

Anondikanda pamaoko avakaipa.

12Ndakanga ndichizorora hangu, iye akandivhuna;

Zvirokwazvo akandibata nomumutsipa, akandiputsanya;

Akandiita chiposherwa chake.

13Miseve yake inondikomba kumativi ose;

Anopamura itsvo dzangu, asinganzwiri nyasha;

Anodururira nduru yangu pasi.

14Anondikoromora nokukoromora–koromora;

Anomhanyira kwandiri semhare.

15Ndakasonera masaga paganda rangu,

Ndakaradzika runyanga rwangu muguruva.

16Chiso changu chatsvuka nokuchema.

Mumvuri worufu uri pamafungiro ameso angu.

17Kunyangwe maoko angu asingadi hawo kuparadza,

Nokunyengetera kwangu kwakanaka hako.

18Iwe nyika, rega hako kufukidza ropa rangu;

Kuchema kwangu ngakushaiwe nzvimbo yokuzorora.

19Nazvino, tarirai, chapupu changu chiri kudenga,

Iye, anondipupurira zvakanaka, ari kumusoro.

20Shamwari dzangu dzinondishora,

Asi ziso rangu rinodurura misodzi yangu pamberi paMwari.

21Kuti aruramisire munhu pamberi paMwari,

NoMwanakomana womunhu pamberi powokwake.

22Nokuti kana makore mashoma apfuura,

Ndichafamba nenzira yandisingazodzokizve nayo.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help