2 Samueri 3 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

1Zvino kwakanga kunokurwa nguva huru pakati peimba yaSauro neimba yaDhavhidhi; Dhavhidhi akaramba achiwedzerwa simba, asi imba yaSauro yakaramba ichitorerwa simba.

Vana vaDhavhidhi

2Dhavhidhi akaberekerwa vanakomana paHebhuroni; dangwe rake raiva Amoni, mwanakomana waAhinoami muJezereri;

3wechipiri waiva Kireabhi, mwanakomana waAbhigairi, waiva mukadzi waNabhari muKameri; wechitatu waiva Abhusaromu, mwanakomana waMaaka, mukunda waTarimai, mambo weGeshuri;

4wechina waiva Adhonia, mwanakomana waHagiti; wechishanu waiva Shefatia, mwanakomana waAbhitari,

5wechitanhatu waiva Itireami, mwanakomana waEgira mukadzi waDhavhidhi. Ndivo vakaberekerwa Dhavhidhi paHebhuroni.

Abhineri anourayiwa naJoabhu

6Zvino kurwa kwakati kuripo pakati peimba yaSauro neimba yaDhavhidhi, Abhineri akazvisimbisa paimba yaSauro.

7Zvino Sauro wakanga ano murongo, wainzi Rizipa, mukunda waAya; Ishibhosheti akati kuna Abhineri, “Wapindireiko kumurongo wababa vangu?”

8Ipapo Abhineri akatsamwa kwazvo namashoko aIshibhosheti, akati, “Ndiri musoro wembwa yokwaJudha here? Iko nhasi ndinoitira imba yaSauro, baba vako, navanun'una vake, nehama dzake zvakanaka, newe handina kukuisa paruoko rwaDhavhidhi; kunyangwe zvakadaro, unondipomera mhaka nhasi pamusoro pomukadzi uyu.

9Mwari ngaarove Abhineri, arambe achidaro, kana ndisingaitiri Dhavhidhi sezvakapika Jehovha kwaari;

10achiti uchatamisa ushe paimba yaSauro, amutse chigaro choushe chaDhavhidhi pakati paIsiraeri naJudha, kubva paDhani kusvikira paBheerishebha.”

11Akasagona kupindura Abhineri kunyangwe shoko rimwe, nokuti wakanga achimutya.

12Zvino Abhineri akatuma nhume kuna Dhavhidhi kwaakanga ari, akati, “Nyika iyi ndeyaniko? Akati, ‘Ita sungano neni, ruoko rwangu ruve newe, ndiuyise VaIsiraeri vose kwauri.’ ”

13Akati, “Zvakanaka, ndichaita sungano newe, asi ndinokuudza chinhu chimwe, kuti haungaoni chiso changu, kana usingauyi naMikari, mukunda waSauro, kana uchiuya kuzoona chiso changu.”

14Dhavhidhi akatuma nhume kuna Ishibhosheti, mwanakomana waSauro, akati, “Ndipe Mikari mukadzi wangu, wandakapfimba nezvikanda zvapamberi zvavaFirisitia zvine zana.”

15Ipapo Ishibhosheti akatuma nhume kunomutora kumurume wake Paritieri, mwanakomana waRaishi.

16Murume wake akamutevera achingochema, kusvikira paBhahurimu. Ipapo Abhineri akati kwaari, “Enda udzoke;” iye akadzoka hake.

17Abhineri akarangana navakuru VaIsiraeri akati, “Kare makanga muchitsvaka Dhavhidhi kuti ave mambo wenyu.”

18Naizvozvo zvino chiitai henyu kudaro, nokuti Jehovha akataura pamusoro paDhavhidhi, akati, “Noruoko rwomuranda wangu Dhavhidhi ndichaponesa vanhu vangu VaIsiraeri pamaoko avaFirisitia, napamaoko avavengi vavo vose.”

19Abhineri akataurawo navaBhenjamini, Abhineri akaenda akataurawo naDhavhidhi, zvose zvakanga zvichifadza Isiraeri neimba yose yaBhenjamini.

20Naizvozvo Abhineri akasvika kuna Dhavhidhi paHebhuroni, ana varume vana makumi maviri. Dhavhidhi akaitira Abhineri navanhu vakanga vanaye mutambo.

21Abhineri akati kuna Dhavhidhi, “Ndichasimuka, ndikaenda kundounganidzira ishe wangu mambo VaIsiraeri vose, kuti vaite sungano nemi, mubate ushe pose pamunoda napo nomwoyo wenyu.” Dhavhidhi akaendisa Abhineri, akaenda norugare.

22Zvino varanda vaDhavhidhi naJoabhu vakadzoka pakundopambara, vakauya nezvakapambwa zvizhinji; asi Abhineri wakanga asipo kuna Dhavhidhi paHebhuroni, nokuti wakanga amuendisa, akaenda hake norugare.

23Zvino Joabhu nehondo yose yakanga inaye vakati vasvika, Joabhu akaudzwa, zvichinzi, “Abhineri, mwanakomana waNeri, wakasvika kuna mambo, akaendiswa hake norugare.”

24Ipapo Joabhu akaenda kuna mambo, akati, “Maiteiko? Tarirai, Abhineri wakanga asvika kwamuri, mamuregereiko achienda, zvino waenda chose?

25“Munoziva Abhineri mwanakomana waNeri, kuti wakanga auya kuzokunyengerai, azive kubuda kwenyu nokupinda kwenyu, nokuziva zvose zvamunoita.”

26Joabhu akati abuda kuna Dhavhidhi, akatuma nhume dzitevere Abhineri, idzo dzikamudzora patsime reSira; asi Dhavhidhi wakanga asingazvizivi.

27Zvino Abhineri wakati adzoswa Hebhuroni, Joabhu akaenda naye vari voga pakati peSuo, kuti ataurirane naye vari voga, akamubayapo nomudumbu, akafa, nokuda kweropa romunun'una wake Ashaheri.

28Pashure Dhavhidhi wakati achizvinzwa, akati, “Ini noushe hwangu hatine mhosva pamberi paJehovha nokusingaperi pamusoro peropa raAbhineri mwanakomana waNeri;

29ngazvive pamusoro waJoabhu napamusoro peimba yose yababa vake; imba yaJoabhu igare ina vanhu vane chirwere chokuyerera, kana vane maperembudzi, kana vanodonzva nomudonzvo, kana vanourayiwa nomunondo, kana vanoshaiwa zvokudya.”

30Naizvozvo Joabhu naAbhishai nomunun'una wake vakauraya Abhineri, nokuti wakanga auraya munun'una wavo Ashaheri pakurwa paGibheoni.

31Zvino Dhavhidhi akati kuna Joabhu, nokuna vanhu vose vakanga vanavo, “Bvarurai nguo dzenyu, musimire mamvemve pazviuno zvenyu, mucheme pamberi paAbhineri.” Mambo Dhavhidhi akatevera hwanyanza.

32Vakaviga Abhineri paHebhuroni, mambo akachema kwazvo pahwiro hwaAbhineri; navanhu vose vakachema.

33Mambo akachema Abhineri akati:

“Abhineri waifanira kufa nomufiro webenzi here?

34Maoko ako akanga asina

kusungwa, namakumbo ako akanga asina kupinzwa mumatare;

Iwe wakafa sokufa kwomunhu pamberi pavana vezvakaipa.”

Vanhu vose vakamuchemazve.

35Zvino vanhu vose vakauya kuzokuridzira Dhavhidhi kudya zvokudya achiri masikati; asi Dhavhidhi wakapika, akati, “Mwari ngaandirove, arambe achidaro, kana ndikaravira chingwa kana chimwe chinhu zuva richigere kuvira.

36Vanhu vose vakazviona, vakafara nazvo, nokuti zvose zvinenge zvakanga zvichiitwa namambo zvakafadza vanhu vose.”

37Naizvozvo vanhu vose naVaIsiraeri vose vakaziva kuti wakanga asi mambo wakaraira kuti Abhineri mwanakomana waNeri auraiwe.

38Zvino mambo akati kuvaranda vake, “Hamuzivi here kuti nhasi muchinda nomunhu mukuru wafa pakati paIsiraeri?

39“Ini nhasi handine simba, kunyangwe ndiri mambo wakazodzwa; varume ava vanakomana vaZeruya vanondikurira; Jehovha ngaatsive muiti wezvakaipa zvakafanira kuipa kwake.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help