1Naizvozvo ndinorayira vakuru pakati penyu, ini mukuru pamwechete navo nechapupu chamatambudziko aKristu, nomugovani nawo wokubwinya kuchazoratidzwa, ndichiti:
2Fudzai boka raMwari riri pakati penyu, musingazviiti nokurovererwa, asi nomwoyo unoda nokuda kwaMwari, musingazviiti nokuda kwokukarira pfuma yakaipa;
3musingaiti nesimba nezvamakagoverwa, asi muve vatungamiriri veboka.
4Kana Mufudzi mukuru achizoonekwa, muchawana korona yokubwinya isingasvavi.
5Saizvozvo imi vaduku, muzviise pasi pavakuru, nemi mose pfekai kuzvininipisa mumwe kune mumwe, nokuti Mwari anodzivisa vanozvikudza, asi anopa nyasha vanozvininipisa.
6Naizvozvo zvininipisei pasi poruoko rune simba rwaMwari, kuti akukudzei nenguva yakafanira;
7kandirai pamusoro pake kufunganya kwenyu kwose, nokuti iye anokuchengetai.
8Svinurai, murinde; muvengi wenyu Dhiabhori, anofamba–famba seshumba inorira, ichitsvaka waingaparadza.
9Mumudzivise, makamira nesimba pakutenda, muchiziva kuti kutambudzika ikoko kunoitirwa hama dzose dziri panyika.
10Zvino Mwari wenyasha dzose, iye akakudanirai kukubwinya kwake kusingaperi muna Kristu, kana mambotambudzika kanguva kaduku, achakukwanisai, nokukumisai, nokukusimbisai, nokukuteyai.
11Ngaave nesimba nokusingaperi–peri. Ameni.
Kuonekana12Ndakakunyorerai mashoko mashomanene naSirivhano, hama yakatendeka pakufunga kwangu, ndichirayira, nokupupura kuti idzi ndidzo nyasha dzechokwadi dzaMwari; mirai madziri.
13Chechi iri muBhabhironi, yakasanangurwa pamwechete nemi, naMako, mwanakomana wangu, vanokukwazisai.
14Kwazisanai nokutsvoda kworudo.
Rugare ngaruve nemi mose muri muna Kristu.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.