1Zvino vanhu vose vaJudha vakatora Uziya, akanga ana makore gumi namatanhatu, vakamuita mambo panzvimbo yababa vake Amaziya.
2Iye akavaka Eroti, akaridzosera kuna Judha, mambo avata namadzibaba ake.
3Uziya akanga ana makore gumi namatanhatu pakutanga kwake kubata ushe, akabata ushe paJerusaremu makore makumi mashanu namaviri; zita ramai vake rakanga riri Jekiria weJerusaremu.
4Iye akaita zvakarurama pamberi paJehovha, sezvose sezvakaita baba vake Amaziya.
5Akashingaira kutsvaka Mwari namazuva aZekariya, akanga ane njere pakuziva zvaMwari; zvino pamazuva aakatsvaka Jehovha, Mwari akamukundisa.
6Akandorwa navaFirisitia, akaputsa rusvingo rweGati, norusvingo rweJabhine, norusvingo rweAshidhodhi; akavaka maguta panyika yeAshidhodhi napakati pavaFirisitia.
7Mwari akamubatsira pakurwa navaFirisitia, navaArabhia, vakanga vagere Guribhaari, nevaMeunimi.
8VaAmoni vakavigira Uziya zvipo; mbiri yake ikapararira kusvikira pavanopinda napo muIjipiti; nokuti akasimba kwazvo.
9Uziya akavakawo shongwe paJerusaremu pasuwo rekona, napasuwo romupata, napakudzoka kworusvingo, akadzisimbisa.
10Akavakawo shongwe murenje, akacherawo matsime mazhinji, nokuti akanga ane zvipfuwo zvizhinji; napamapaniwo, napanyika yokumakomo; uye akanga ana varimi navasimi vamazambiringa pamakomo napaminda yakaworera, nokuti aida minda.
11Uyewo Uziya akanga ane hondo yavarwi, vaindorwa vachiita mapoka, sezvavakaverengwa naJeieri munyori, naMaaseya murairi, vakatungamirirwa naHanania mumwe wavakuru vamambo.
12Vose vakaverengwa kuvakuru vedzimba dzamadzibaba, ivo varume vaiva nesimba noumhare, vakasvika zviuru zviviri namazana matanhatu.
13Ivo vairaira hondo yakanga yakadzidziswa, vanhu vane zviuru zvina mazana matatu nezvinomwe namazana mashanu, vaigona kurwa nesimba guru, kuzobatsira mambo kurwa navavengi vavo.
14Uziya akavagadzirira, ivo vose vehondo, nhoo, namapfumo, nengoani, nenguo dzamatare, nouta, namabwe okupfura nawo.
15Akaitawo paJerusaremu michini, yakaitwa navanhu vakangwara, ikaiswa pashongwe napamakona amasvingo, kuzoposhera nayo miseve namabwe makuru. Mbiri yake ikapararira; nokuti akabatsirwa zvinoshamisa, kusvikira asimba.
16Asi akati asimba, mwoyo wake ukazvikudza, akazoita zvakashata, akatadzira Jehovha Mwari wake; nokuti akapinda patemberi yaJehovha kundopisa zvinonhuwira paatari yezvinonhuwira.
17Ipapo mupristi Azaria akamutevera akapinda ana vapristi vaJehovha vana makumi masere, vaiva varume voumhare.
18Ivo vakadzivisa mambo Uziya, vakati kwaari, “Nhandi Uziya, hazvifaniri kuti imi mupisire Jehovha zvinonhuwira, asi vapristi vanakomana vaAroni, vakatsaurwa kupisa zvinonhuwira; budai panzvimbo tsvene, nokuti madarika; hamungakudzwi naJehovha Mwari nokuda kwechinhu ichi.”
19Ipapo Uziya akatsamwa kwazvo; zvino iye akanga akabata hariyana yezvinonhuwira kuti apise zvinonhuwira; zvino akati achakatsamwira vapristi, maperembudzi akabuda pahuma yake pamberi pavapristi muimba yaJehovha, kurutivi rweatari yezvinonhuwira.
20Zvino Azaria mupristi mukuru navapristi vose vakatarira kwaari, vakaona kuti wava namaperembudzi pahuma yake, vakachimbidzika kumubudisapo; kunyangwe naiye akachimbidzika kubuda, nokuti Jehovha akanga amurova.
21Zvino mambo Uziya akava namaperembudzi kusvikira pazuva rokufa kwake, akagara ari oga muimba, ana maperembudzi; nokuti akadziviswa kupinda paimba yaJehovha; Jotamu mwanakomana wake akava mutariri weimba yamambo, akatongawo mhosva dzavanhu venyika.
22Zvino mamwe mabasa aUziya, okutanga nookupedzisira, akanyorwa nomuporofita Isaya mwanakomana waAmozi.
23Naizvozvo Uziya akavata namadzibaba ake, vakamuviga kumadzibaba ake mumunda wamarinda aiva amadzimambo; nokuti vakati, “Ana maperembudzi;” Jotamu mwanakomana wake akamutevera paushe.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.