Mapisarema 71 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

Munyengetero womutana

1Jehovha, ndinovimba nemi;

Ngandirege kutongonyadziswa.

2Ndirwirei mukururama kwenyu, ndisunungurei;

Rerekerai nzeve yenyu kwandiri, mundiponese.

3Ivai dombo rangu mandingagara,

kwandingaramba ndichienda;

Makaraira kuti ndiponeswe;

Nokuti ndimi dombo rangu nenhare yangu.

4Ndisunungurei, Mwari wangu,

paruoko rwowakaipa,

Paruoko rwousina kururama

nomunhu anomanikidza.

5Nokuti imi, Ishe Jehovha, muri tariro yangu;

Ndimi wandinovimba naye kubva pauduku hwangu.

6Ndakatsigirwa nemi kubva pachizvaro;

Ndimi makandibudisa padumbu ramai vangu;

Ndichakurumbidzai.

7Ndiri chishamiso kuna vazhinji;

Asi imi muri utiziro hwangu hwakasimba.

8Muromo wangu uchazadzwa nerumbidzo yenyu,

Nekudzo yenyu zuva rose.

9Regai kundirasha panguva yokukwegura kwangu;

Musandisiya kana ndapera simba.

10Nokuti vavengi vangu vanondireva;

Vanogarira mweya wangu, vanorangana,

11Vachiti, “Mwari amusiya;

Teverai, mumubate; nokuti hakuna ungamurwira.”

12Mwari, regai kuva kure neni;

Mwari wangu, kurumidzai kundibatsira.

13Avo vanodzivisa mweya wangu

ngavanyadziswe vapere;

Vanotsvaka kundikuvadza ngavafukidzwe

nokushorwa nokuzvidzwa.

14Asi ini ndicharamba ndichitarira,

Ndicharamba ndichiwedzera kukurumbidzai.

15Muromo wangu uchareva kururama kwenyu,

Nokuponesa kwenyu zuva rose;

Nokuti handizivi kuwanda kwazvo.

16Ndichauya namabasa ane simba aShe aJehovha;

Ndichaparidza kururama kwenyu,

iko kwenyu kwoga.

17Mwari, makandidzidzisa kubva paujaya hwangu;

Kusvikira zvino ndadudzira mabasa enyu anoshamisa.

18Haiwa, kusvikira ndakwegura ndachena vhudzi,

Mwari regai kundisiya;

Kusvikira ndadudzira simba renyu kurudzi runouya,

Nesimba renyu kunomumwe nomumwe anozouya.

19Kururama kwenyuwo, Mwari, kuri kumusoro–soro;

Iyemi makaita zvinhu zvikuru,

Mwari, ndianiko akafanana nemi?

20Iyemi makatiratidza madambudzo mazhinji akaipa,

Ndimi muchatiraramisazve,

Nokutikwidzazve tibve pakudzika kwapasi.

21Wedzerai hukuru hwangu,

Dzokaizve mundinyaradze.

22Ndichakurumbidzaiwo nemitengeranwa,

Naiyo zvokwadi yenyu, Mwari wangu;

Ndichakuimbirai imi nziyo dzokurumbidza nembira,

Iyemi Mutsvene waIsiraeri.

23Miromo yangu ichafara kwazvo kana

ndichikuimbirai nziyo dzokurumbidza;

Nomweya wangu wamakadzikinura.

24Rurimi rwanguo ruchataura zuva rose

zvokururama kwenyu;

Nokuti vanotsvaka kundikuvadza

vanyadziswa, vazvidzwa.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help