Mateu 3 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

Johani Mubhabhatidzi(Mako 1:1–8; Ruka 3:1–18)

1Namazuva iwayo Johani Mubhabhatidzi akauya achiparidza murenje reJudhiya, achiti,

2“Tendeukai, nokuti ushe hwokudenga hwaswedera pedyo.”

3Nokuti uyu ndiye wakarehwa nomuporofita Isaya, achiti,

“Izwi raanodana murenje:

‘Gadzirai nzira yaIshe,

Ruramisai migwagwa yake.’ ”

4Iye Johani aiva nenguo yamakushe engamera, nebhanhire reganda pachiuno chake; zvokudya zvake zvaiva mhashu nouchi hwemusango

5Zvino veJerusaremu rose neJudhiya nenyika yose yakapoteredza Jodhani vakabudira kwaari,

6vakabhabhatidzwa naye murwizi Jodhani vachireurura zvivi zvavo.

7Asi akati achiona vazhinji vaVaFarisi navaSadhusi vachiuya kuzobhabhatidzwa, akati kwavari, “Vana venyoka, ndianiko akakunyeverai kuti mutize kutsamwa kunouya?

8Naizvozvo berekai zvibereko zvakafanira kutendeuka.

9Musafunga kutaura mumwoyo menyu, muchiti, ‘Abhurahamu ndibaba vedu;’ nokuti ndinoti kwamuri, ‘Mwari angamutsira Abhurahamu vana pamabwe awa.’

10Zvino sanhu ratoiswa pamudzi wemiti; saka muti mumwe nomumwe usingabereki michero yakanaka, unotemwa, ukakandirwa mumoto.

11Ini ndinokubhabhatidzai nemvura, kuti mutendeuke; asi anouya shure kwangu, anesimba, kupfuureni, wandisakafanira kutakura shangu dzake; iye achakubhabhatidzai naMweya Mutsvene nomoto.

12Rusero rwake ruri muruoko rwake; achanatsa buriro rake kwazvo; achaunganidzira koroni mudura, asi hundi achaipisa mumoto usingadzimwi.”

Kubhabhatidzwa kwaJesu(Mako 1:9–11; Ruka 3:21–22)

13Zvino Jesu akabva Gareriya, akasvika kuna Jodhani kuzobhabhatidzwa naJohani.

14Asi Johani akaedza kumudzivisa, akati, “Ndini ndinofanira kubhabhatidzwa nemi, ko mouya kwandiri sei?”

15Asi Jesu akapindura akati, “Chirega hako zvino, nokuti saizvozvo zvakafanira kuti tizadzise kururama kwose.” Johani ndokubva atenda hake.

16Jesu, akati abhabhatidzwa, pakarepo akabuda mumvura; zvino, tarira, denga rakamuzarukira, akaona Mweya waMwari achiburuka senjiva, akauya pamusoro pake.

17Zvino tarira, izwi rakabva kudenga, richiti, “Uyu ndiye Mwanakomana wangu anodikanwa, ndinofadzwa naye!”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help