Joshua 11 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

Mamwe maguta akakundwa naJoshua

1Zvino Jabhini, mambo weHazoru wakati achizvinzwa, akatuma nhume kuna Jobhabhu, mambo weMadhoni, nokuna mambo weShimuroni, nokuna mambo weAkishafi,

2nokuna madzimambo akanga ari kurutivi rwokumusoro, panyika yezvikomo, nomumupata kurutivi rwenyasi rweKineroti, nomumapani, nokuzvikomo zvapaDhoru, kurutivi rwamavirazuva,

3nokuVaKenani kurutivi rwamabvazuva nokumavirira, naVaAmori, naVaHeti, navaPerezi, naVaJebhusi, panyika yamakomo, naVaHivhi vakanga vagere mujinga meHorimoni, panyika yeMizipa.

4Vakabuda, ivo nehondo dzavo dzose dzavakanga vanadzo, vari vazhinji, sejecha riri pamhenderekedzo yegungwa nokuwanda, namabhiza nengoro zhinji zhinji.

5Madzimambo awa ose akaungana, vakauya pamwechete kuvaka misasa yavo pamvura yeMeromi, kuzorwa naVaIsiraeri.

6Zvino Jehovha akati kuna Joshua, “Usavatya, nokuti mangwana nenguva ino ndichavaisa vose mumaoko ako, vauraiwe pamberi paVaIsiraeri; unofanira kugura marunda amakumbo amabhiza avo, nokupisa ngoro dzavo nomoto.”

7Zvino Joshua akauya pakarepo, iye navanhu vose vehondo vaakanga anavo, kuti arwe navo pamvura yeMeromu, akavavamba.

8Jehovha akavaisa mumaoko aVaIsiraeri, vakavaparadza nokuvadzinga kusvikira paguta guru Zidhoni, nokusvikira Misirefoti–maimi, nokusvikira kumupata weMizipe kumabvazuva; vakavauraya kusvikira vasina kusiya kunyangwe nomumwechete.

9Joshua akavaitira sezvakanga arairwa naJehovha; akagura marunda amakumbo amabhiza avo, nokupisa ngoro dzavo nomoto.

10Nenguva iyo Joshua akadzoka, akakunda Hazoru, akauraya mambo waro nomunondo; nokuti pakutanga Hazoru waiva muzinda woushe ihwo hwose.

11Vakauraya vanhu vose vakanga varimo neminondo inopinza, vakavaparadza chose; hakuna chinhu chimwe chinofema chakasara; vakapisa Hazoru nomoto.

12Joshua akakundawo maguta ose amadzimambo iwayo, namadzimambo awo ose, akavauraya neminondo inopinza, akavaparadza chose; sezvakanga zvarairwa naMosesi muranda waJehovha.

13Asi maguta akanga ari pazvikomo zvavo, VaIsiraeri havana kuapisa kunyangwe nerimwechete, asi Hazoru chete; Joshua wakapisa irero.

14Vana VaIsiraeri vakatapa zvose zvavakapamba zvamaguta iwayo, nemombe; asi vakauraya varume vose neminondo inopinza, kusvikira vavaparadza; havana kusiya kunyangwe nechinhu chimwechete chinofema.

15Sezvakanga zvarairwa Mosesi muranda wake naJehovha, ndizvo Mosesi zvaakaraira Joshua; Joshua akaita saizvozvo, haana kusiya chinhu chimwechete pazvose zvakanga zvarairwa Mosesi naJehovha.

16Saizvozvo Joshua akakunda nyika iyo yose, iyo nyika yamakomo, nenyika yose yezasi, nenyika yose yeGosheni, nebani, noMupata, nenyika yamakomo yaIsiraeri, nebani rayo;

17kubva pagomo reHaraki, rinokwira Seiri, kusvikira paBhaari–gadhi pamupata weRebhanoni, mujinga megomo reHerimoni; akakunda madzimambo aro ose, akavaparadza nokuvauraya.

18Joshua akarwa namadzimambo iwayo ose mazuva mazhinji.

19Hakuna guta rakayanana naVaIsiraeri, asi VaHivhi vakanga vagere Gibheoni; vakakunda zvose pakurwa.

20Nokuti Jehovha ndiye wakaomesa mwoyo yavo, kuti varwe naVaIsiraeri, kuti avaparadze chose, varege kunzwirwa tsitsi; asi avaparadze, sezvakanga zvarairwa Mosesi naJehovha.

21Nenguva iyo Joshua akaenda akaparadza vaAnaki panyika yamakomo, paHebhuroni, napaDhebhiri, napaAnabhi, napanyika yose yamakomo yaJudha, napanyika yose yamakomo yaIsiraeri; Joshua akavaparadza chose pamwechete namaguta avo.

22Hakuna kuva Anaki wakasara panyika yavana VaIsiraeri; asi paGaza, napaGadhi, napaAshidhodhi ndipo pakasara vamwe.

23Joshua akakunda saizvozvo nyika yose sezvose zvakaudzwa Mosesi naJehovha; Joshua akaipa vana VaIsiraeri, kuti ive nhaka yavo, sezvavakanga vakamurwa namarudzi avo. Nyika ikazorora pakurwa.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help