1Zvino VaIsiraeri vakagara paShitimu, vanhu vakatanga kuita upombwe navanasikana vaMoabhu;
2nokuti vakadana vanhu vauye kuzvibairo zvavamwari vavo; vanhu vakadya, vakapfugamira vamwari vavo.
3VaIsiraeri vakazvisunganidza naBhaari–peori; Jehovha akatsamwira Isiraeri kwazvo.
4Ipapo Jehovha akati kuna Mosesi, “Tora vakuru vose vavanhu, uvasungirire masikati makuru pamberi paJehovha, kuti kutsamwa kukuru kwaJehovha kudzorwe kuna Isiraeri.”
5Mosesi akati kuvatongi VaIsiraeri, “Mumwe nomumwe wenyu ngaauraye vanhu vake vakazvisunganidza naBhaari–peori.”
6Zvino onei mumwe murume wavana VaIsiraeri akauya kuhama dzake nomukadzi muMidhiani, Mosesi neungano yose yavana VaIsiraeri vachizviona, ivo vari pakuchema pamukova wetende rokusangana.
7Zvino Finiasi, mwanakomana waEreazari, mwanakomana womupristi Aroni, akati achizviona, akasimuka, akabuda pakati peungano ane pfumo muruoko rwake,
8akatevera murume uyo muIsiraeri mukati metende, akavabaya nepfumo nomudumbu, ivo vaviri, murume muIsiraeri nomukadzi; naizvozvo denda rakaguma pakati pavana VaIsiraeri.
9Vose vakanga vafa nedenda iro vakasvika zviuru zvina makumi maviri nezvina.
10Zvino Jehovha akataura naMosesi, akati,
11“Finiasi, mwanakomana waEreazari, mwanakomana waAroni, adzora kutsamwa kwangu kuvana VaIsiraeri; nokuti akanga ane shungu pakati pavo, dzakafanana neshungu dzangu, naizvozvo handina kuparadza vana VaIsiraeri neshungu dzangu.
12Naizvozvo uti, ‘Tarira, ndinomupa sungano yangu yorugare,
13ichava kwaari nokuvana vake vanomutevera kuti akanga ane shungu nokuda kwaMwari wake, akayananisira vana VaIsiraeri.’ ”
14Zita romurume uyo muIsiraeri akaurayiwa, iye wakaurayiwa pamwechete nomukadzi muMidhiani, rakanga riri Zimiri, mwanakomana waSaru, muchinda weimba yamadzibaba pakati pavaSimeoni.
15Zita romukadzi muMidhiani akaurayiwa, rakanga riri Kozibhi, mwanasikana waZuri; iye akanga ari mukuru wavanhu weimba yamadzibaba pavaMidhiani.
16Zvino Jehovha akataura naMosesi, akati,
17“Vambana navaMidhiani, uvaparadze;
18nokuti ivo vakavambana nemi namano avo, avakakunyengerai nawo pane zvakaitwa naPeori nezvakaitwa naKozibhi, mwanasikana womuchinda wavaMidhiani, hanzvadzi yavo, akaurayiwa nomusi wedenda nokuda kwezvakaitwa naPeori.”
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.