Tito 3 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

1Uvayeuchidze kuti vazviise pasi pavabati navane simba, kuti vateerere, kuti vave vanhu vakazvigadzira kubata mabasa ose akanaka,

2varege kurevera mumwe zvakaipa, vaitire vanhu vose unyoro hwose.

3Nokuti nesuwo kare taiva vokusafunga, tisingateereri, takarashika, tiri varanda, vokuchiva kuzhinji navezvose zvinofadza, tigere mukati mokushata negodo, tichivengwa, tichivengana.

4Asi unyoro hwaMwari, Muponesi wedu, norudo rwake kuvanhu, zvakati zvaonekwa,

5akatiponesa, asingazviiti nokuda kwamabasa akarurama, atakanga taita isu, asi nokuda kwenyasha dzake, nenzira yokushambidzwa kwokuberekwa kutsva nokuvandudzwa naMweya Mutsvene,

6waakadurura achiwanza pamusoro pedu, naJesu Kristu Muponesi wedu,

7kuti isu, taruramiswa nenyasha dzake, tiitwe vadyi venhaka nokuda kwetariro youpenyu husingaperi.

8Ishoko rechokwadi, uye ndinoda kuti usimbise kwazvo zvinhu izvi, zvokuti avo vakatenda Mwari vachenjere kuti varambe vachiita mabasa akanaka. Ndizvo zvakanaka, zvinobatsira vanhu;

9asi unzvenge mibvunzo youpenzi, namazita amadziteteguru, negakava, nokukakavara pamusoro pomurairo, nokuti hazvina maturo, hazvine basa.

10Munhu anodzidzisa zvakatsauka, kana arayirwa kamwe norwechipiri, umurambe,

11zvaunoziva kuti akadaro akatsauka, anotadza, azvipa mhosva amene.

Mashoko okupedzisira nookuonekana

12Kana ndichituma Aritema kwauri, kana Tikiko, ushingaire kuuya kwandiri Nikopori; nokuti ndakati ndichagara chando ikoko.

13Zenasi, mududziri womurairo, naAporo, uvaise zvakanaka parwendo, varege kushayiwa chinhu.

14Vanhu vedu ngavadzidzewo kuramba vachiita mabasa akanaka, kuti vabatsire panoshayikwa zvinofanira kuvapo, kuti varege kuva vanhu vasina zvibereko.

15Vose vari kwandiri vanokukwazisa. Ndikwazisire avo vanotida pakutenda. Nyasha ngadzive nemi mose.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help