1Mukuru kuna mai vakasanangurwa navana vavo vandinoda nechokwadi; ndisati ndiri ini ndoga, asi navosewo vanoziva chokwadi;
2nokuda kwechokwadi, chinogara matiri, chichagarawo nesu nokusingaperi.
3Nyasha, nengoni, norugare zvichava nesu, zvinobva kuna Mwari Baba, nokuna Jesu Kristu, Mwanakomana waBaba, muchokwadi norudo.
Fambai muchokwadi norudo, muchenjere vadzidzisi venhema4Ndinofara zvikuru, nokuti ndakawana vamwe vana venyu vachifamba muchokwadi, sezvatakarayirwa naBaba.
5Zvino ndinokumbira kwamuri, mai, ndisingaiti sendinokunyorerai murairo mutsva, asi uyo watakanga tinawo kubva pakutanga, wokuti tidane.
6Ndirwo rudo, kuti tifambe nemirairo yake. Ndiwoyu murairo, sezvamakanzwa kubva pakutanga, kuti mufambe mauri.
7Nokuti vanyengeri vazhinji vakabudira munyika, vasingapupuri kuti Jesu Kristu akauya panyama. Ndiye munyengeri naAndikristu.
8Zvichenjerei imi, kuti murege kurashikirwa nezvatakabatira, asi kuti mupiwe mubairo wakakwana.
9Mumwe nomumwe, anotungamirira vamwe, asingarambiri mukudzidzisa kwaKristu, haana Mwari; asi uyo, anorambira mukudzidzisa, ndiye ana Baba noMwanakomana.
10Kana mumwe achiuya kwamuri, asingauyi nokudzidzisa uku, musamugamuchira mumba, kana kuti kwaari, “Kwaziwai!”
11Nokuti anoti kwaari, “Kwaziwai!” Anofambidzana naye pamabasa ake akaipa.
Kuonekana12Kunyangwe ndine zvizhinji zvandaida kukunyorerai, handidi kunyora netsamba neingi; asi ndinotarira kuti ndichauya kwamuri, tigotaurirana nomuromo, kuti mufaro wenyu uzadziswe.
13Vana vomunun'una wenyu vakasanangurwa vanokukwazisai.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.