1Mwoyo wangu unotutuma
namashoko akanaka;
Ndinotaura zvinhu zvandakaita
zvinoreva mambo;
Rurimi rwangu ipeni yomunyori
anokurumidza kunyora.
2Imi makanaka–naka kupfuura vana vavanhu;
Nyasha yakadururirwa pamiromo yenyu;
Saka Mwari wakakuropafadzai nokusingaperi.
3Sungai munondo wenyu pachiuno
chenyu, imi wamasimba,
Ukuru hwenyu noumambo hwenyu.
4Fambai noumambo hwenyu muchikunda,
Nokuda kwezvokwadi nounyoro nokururama;
Ruoko rwenyu rworudyi
ngarukudzidzisei zvinotyisa.
5Miseve yenyu inopinza;
Vanhu vanokundwa nemi;
Inobaya pamwoyo yavavengi vamambo.
6Chigaro chenyu choushe, imi Mwari,
chiripo nokusingaperi–peri;
Tsvimbo youshe hwenyu itsvimbo yakarurama.
7Makada kururama, mukavenga kusarurama;
Naizvozvo Mwari, Mwari wenyu wakakuzodzai
Namafuta okufara kupfuura shamwari dzenyu.
8Nguo dzenyu dzose dzinonhuwira
nemura nearosi neakashia;
Madimbwa akakufadzai achiridzwa
mudzimba dzamambo dzenyanga dzenzou.
9Vakunda vamadzimambo vari pakati
pavanhukadzi venyu vanokudzwa;
Paruoko rwenyu rworudyi vahosi
vamire vakashonga ndarama yeOfiri.
10Teerera mukunda, rangarira, urereke nzeve yako;
Kanganwawo vanhu vako, neimba yababa vako;
11Ipapo mambo achada kunaka kwako;
Nokuti ndiye Ishe wako; unamate kwaari iwe.
12Uye mukunda weTiro achavapo nechipo;
Vapfumi pakati pavanhu vachakumbira ngoni dzako.
13Mukunda wamambo akanaka
kwazvo–kwazvo mukati meimba yamambo;
Nguo dzake dzakarukwa nendarama.
14Uchaperekwa kuna mambo nenguo
dzakarukwa dzina mavara;
Mhandara, shamwari dzake dzinomutevera,
Vachaiswa kwamuri.
15Vachaperekwa nomufaro nokufarisisa;
Vachapinda mumba mamambo.
16Panzvimbo yamadzibaba ako vana vako vachavapo,
Vauchaita machinda panyika yose.
17Ndichayeudzira zita renyu kusvikira kumarudzi ose;
Naizvozvo ndudzi dzavanhu
dzichakuvongai nokusingaperi–peri.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.