Mapisarema 25 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

Dhavhidhi anonyengetera kuti akanganwirwe nokuchengetwaPisarema raDhavhidhi.

1Jehovha, ndinosimudzira mwoyo wangu kwamuri.

2Mwari wangu, ndinovimba nemi,

Ngandirege kunyadziswa;

Vavengi vangu ngavarege kundikunda.

3Zvirokwazvo, hapana munhu

anokumirirai anganyadziswa;

Vachanyadziswa ndivo vanonyengera pasina chinhu.

4Ndiratidzei nzira dzenyu, Jehovha;

Ndidzidzisei nzira dzenyu.

5Ndiperekedzei muzvokwadi yenyu, mundidzidzise;

Nokuti ndimi Mwari muponesi wangu;

Ndinokutarirai zuva rose.

6Rangarirai, Jehovha, nyasha yenyu

huru nounyoro hwenyu;

Nokuti zvaivapo kare nakare.

7Regai kurangarira zvivi zvohuduku

hwangu, nokudarika kwangu;

Mundirangarire nounyoro hwenyu,

Nokuda kwokunaka kwenyu, Jehovha.

8Jehovha akanaka, akarurama;

Saka acharaira vatadzi panzira.

9Achaperekedza vanyoro mune zvakarurama;

Achadzidzisa vanyoro nzira yake.

10Nzira dzose dzaJehovha ndedzounyoro nezvokwadi

Kunavanochengeta sungano yake nezvipupuriro zvake.

11Nokuda kwezita renyu, Jehovha,

Kanganwirai zvakaipa zvangu, nokuti zvikuru.

12Munhu ndoupiko anotya Jehovha?

Ndiye waachadzidzisa nzira yaanofanira kusanangura.

13Mweya wake uchagara zvakanaka;

Uye vana vake vachagara nhaka yenyika.

14Zvakavanzwa zvaJehovha ndezvavanomutya;

Achavaratidza sungano yake.

15Meso angu anoramba achitarira kuna Jehovha;

Nokuti anobvisa tsoka dzangu pamumbure.

16Ringirai kwandiri, mundinzwire nyasha;

Nokuti ndiri ndoga, ndinotambudzika.

17Matambudziko omwoyo wangu awanda kwazvo;

Haiwa, ndibudisei panjodzi dzangu.

18Tarirai kutambudzika kwangu nokurwadziwa kwangu;

Mundikanganwire zvivi zvangu zvose.

19Tarirai vavengi vangu, nokuti vazhinji;

Vanondivenga nehasha dzembengo.

20Chengetai mweya wangu mundirwire;

Ndirege kunyadziswa, nokuti ndinovimba nemi.

21Kusanyengera nokururama ngazvindichengete,

Nokuti ndinokumirirai.

22Dzikinurai Isiraeri, imi Mwari,

Panjodzi dzake dzose.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help