Mapisarema 142 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

Munyengetero womunhu anotambudzwa navavengi vakeRwiyo rweMashiri rwaDhavhidhi, panguva yaakanga ari mubako; munyengetero.

1Ndinodanidzira nezwi

rangu kuna Jehovha;

Nezwi rangu ndinonyengetera kuna Jehovha.

2Ndinodurura kuchema kwangu pamberi pake;

Ndinomuzivisa kutambudzika kwangu.

3Panguva yokumanikidzwa kwomweya wangu

mukati mangu, makaziva nzira yangu.

Panzira yandinofamba nayo

vakandivanzira musungo.

4Tarirai kurudyi rwangu, muone;

nokuti hakuna munhu anondiziva;

Ndashaiwa utiziro; hakuna munhu

ane hanya nomweya wangu.

5Ndakadanidzira kwamuri, Jehovha;

Ndakati, “Ndimi utiziro hwangu,

Nomugove wangu panyika yavapenyu.”

6Teererai kudanidzira kwangu;

nokuti ndinoshaiwa simba kwazvo;

Ndirwirei panavanonditambudza;

nokuti vanondikurira nesimba.

7Budisai mweya wangu patorongo,

kuti ndivonge zita renyu;

Vakarurama vachandipoteredza;

Nokuti muchandiitira zvakanaka kwazvo.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help