1 Samueri 16 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

Samueri anozodza Dhavhidhi

1Zvino Jehovha akati kuna Samueri, “Uchachema Sauro kusvikira rinhiko, zvandakamuramba ini, kuti arege kuva mambo waIsiraeri? Zadza gonamombe rako namafuta, uende, ndikutume kuna Jese muBhetirehemu; nokuti ndakazvitsvakira mambo pakati pavana vake.”

2Samueri akati, “Ndingaenda seiko? Kana Sauro akazvinzwa, uchandiuraya.” Jehovha akati, “Enda netsiru, uti, ‘Ndauya kuzobayira Jehovha.’

3Zvino udane Jese auye kuchibayiro, ini ndichakuzivisa zvaunofanira kuita, ugondizodzera wandichakuratidza.”

4Samueri akaita zvakataurwa naJehovha, akaenda Bhetirehemu. Vakuru veguta vakandosangana naye, vachibvunda, vakati, “Mauya norugare here?”

5Akati, “Hongu, norugare; ndauya kuzobayira Jehovha, muzvinatsei, muende neni kundobayira.” Ipapo akanatsa Jese navanakomana vake, akavadana kuchibayiro.

6Zvino vakati vasvika, akatarira Eriabhu, akati, “Zvirokwazvo, muzodzwa waJehovha uri pamberi pake.”

7Asi Jehovha akati kuna Samueri, “Usatarira chiso chake, kana mumhu wake, nokuti ndamuramba; nokuti Jehovha haawoni somunhu, nokuti munhu unotarira zviri kunze, asi Jehovha unotarira zviri pamwoyo.”

8Zvino Jese akadana Abhinadhabhu, akamupfuudza pamberi paSamueri. Akati, “Kunyangwe nouyu Jehovha haana kumutsaura.”

9Zvino Jese akapfuudza Shama. Akati, “Nouyu Jehovha haana kumutsaura.”

10Jese akapfuudza vanomwe vevanakomana vake pamberi paSamueri. Samueri akati kuna Jese, “Jehovha haana kutsaura ava.”

11Zvino Samueri akati kuna Jese, “Vana vako vari pano vose here?” Akati, “Muduku kuna vose ndiye wasara; tarirai unotarisa makwai.” Samueri akati kuna Jese, “Tuma munhu amutore, nokuti hatingagari pakudya kusvika iye auya pano.”

12Akatuma munhu, akapinda naye. Zvino wakanga ari mutsvuku, akanaka kumeso, ano muviri wakanaka. Jehovha akati, “Simuka, umuzodze, nokuti ndiye.”

13Ipapo Samueri akatora gonamombe ramafuta, akamuzodza pakati pehama dzake. Mweya waJehovha akauya pamusoro paDhavhidhi nesimba, kubva pazuva iro zvichienda mberi. Zvino Samueri akasimuka, akaenda Rama.

Dhavhidhi anonyaradza mweya waSauro

14Zvino Mweya waJehovha akanga wabva kuna Sauro, mweya wakaipa wakanga watumwa naJehovha, ukamuvhundusa.

15Varanda vaSauro vakati kwaari, “Tarirai zvino, mweya wakaipa, wakatumwa naMwari, unokuvhundusai.”

16Zvino tenzi wedu ngaatiraire isu varanda venyu vari pamberi penyu, kuti titsvake munhu anoziva kuridza mbira kwazvo; zvino kana mweya wakaipa, unotumwa naMwari, uchiuya pamusoro penyu, iye aridze noruoko rwake, mupore.

17Sauro akati kuvaranda vake, “Chinditsvakirai munhu unogona kuridza zvakanaka, muuye naye kwandiri.”

18Zvino mumwe wamajaya akapindura, akati, “Tarirai, ndakaona mwanakomana waJese muBhetirehemu unoziva kuridza kwazvo, munhu ane simba noumhare, murwi, wakachenjera pakutaura, munhu wakanaka, uye Jehovha anaye.”

19Naizvozvo Sauro akatuma nhume kuna Jese, akati, “Nditumire mwanakomana wako Dhavhidhi, ari kumakwai.”

20Jese akatora mbongoro, akaitakudza chingwa, nedende rewaini, nembudzana, akazvituma kuna Sauro nomwanakomana wake Dhavhidhi.

21Dhavhidhi akasvika kuna Sauro, akamira pamberi pake, iye akamuda kwazvo, akava mubati wenhumbi dzake dzokurwa.

22Sauro akatuma shoko kuna Jese, akati, “Tendera hako Dhavhidhi amire pamberi pangu, nokuti ndinomufarira kwazvo.”

23Zvino nguva dzose kana mweya wakaipa, wakatumwa naMwari, uchiuya pamusoro paSauro, Dhavhidhi ndokutora mbira, nokuridza noruoko rwake; Sauro akanyaradzwa, akapora, mweya wakaipa ndokubva kwaari.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help