1Zvino Ataria mai vaAhazia, wakati achiona kuti mwanakomana wake wafa, akasimuka, akaparadza vose vorudzi rwamambo.
2Asi Jehoshebha mukunda wamambo Joramu, hanzvadzi yaAhazia, wakatora Joashi mwanakomana waAhazia, akamuba pakati pavanakomana vamambo vaiurayiwa, iye nomureri wake, mumba mokuvata; vakamuvanza pana Ataria, naizvozvo haana kuurayiwa.
3Akagara naye akavanzwa mumba maJehovha makore matanhatu; Ataria akabata ushe panyika.
4Zvino negore rechinomwe Jehoyadha akatuma vanhu vakatora vakuru vamazana vavaKari navarindi vamambo, akauya navo kwaari mumba maJehovha, akaita sungano navo, akavapikisa mumba maJehovha, akavaratidza mwanakomana wamambo.
5Akavaraira, akati, “Munofanira kuita kudai, Imi munopinda neSabata, chetatu chenyu munofanira kuva varindi veimba yamambo;
6chimwe chetatu munofanira kumira pasuwo rinonzi Suri; chimwe chetatuzve vanofanira kumira pasuwo riri shure kwavarindi vamambo; saizvozvo munofanira kurinda imba, nokuidzivirira.
7Mapoka enyu maviri, imi mose munobuda neSabata, munofanira kurinda imba yaJehovha muchikomba mambo.
8Mukombe mambo, mumwe nomumwe akabata nhumbi dzokurwa nadzo muruoko rwake; Ani naani unopinda pakati pemisara, unofanira kuurayiwa; mugare namambo kana achibuda uye kana achipinda.”
9Vakuru vamazana vakaita zvose zvavakarairwa nomupristi Jehoyadha; mumwe nomumwe akatora vanhu vake, ivo vaifanira kupinda neSabata, naivo vaifanira kubuda neSabata, vakasvika kumupristi Jehoyadha.
10Mupristi akapa vakuru vamazana mapfumo nenhowo zvaiva zvamambo Dhavhidhi, zvakanga zviri mumba maJehovha.
11Zvino varindi vamambo vakamira mumwe nomumwe akabata nhumbi dzokurwa nadzo muruoko rwake, kubva kurutivi rworudyi rweimba kusvikira kurutivi rworuboshwe rweimba, napaatari neimba, vakakomba mambo.
12Ipapo akabudisa mwanakomana wamambo, akamudzika korona, akamupa chipupuriro, vakamuita mambo, vakamuzodza; ndokuridza nhondo, vachiti, “Mambo ngaararame!”
13Zvino Ataria wakati achinzwa mhere–mhere yavarindi vamambo navanhu, akapinda kuvanhu mumba maJehovha.
14Akatarira, ndokuona mambo amire pambiru, netsika yavo, navakuru navakanga vane hwamanda vamire kuna mambo; vanhu vose venyika vakafara, vakaridza hwamanda. Ipapo Ataria akabvarura nguo dzake, akadanidzira, achiti, “Ndamukirwa, ndamukirwa!”
15Zvino mupristi Jehoyadha akaraira vakuru vamazana, vairaira hondo, akati kwavari, “Mubudisei pakati pemisara yavanhu; Ani naani unomutevera iye, munofanira kumuuraya nomunondo; nokuti mupristi wakati, ‘Ngaarege kuurayiwa mukati meimba yaJehovha.’ ”
16Naizvozvo vakamudzivirira nzira, akaenda nenzira yaipinda mabhiza nayo kumba kwamambo, ndokuurayirwapo.
17Zvino Jehoyadha akaita sungano pakati paJehovha namambo navanhu, kuti vave vanhu vaJehovha; uyewo pakati pamambo navanhu.
18Vanhu vose venyika vakaenda kumba kwaBhaari, vakaiputsa; vakaputsa kwazvo atari dzake nemifananidzo yake, vakauraya Matani mupristi waBhaari pamberi peatari. Mupristi akagadza vatariri paimba yaJehovha.
19Akatora vakuru vamazana, navaKari, navarindi vamambo, navanhu vose venyika, vakaburusa mambo paimba yaJehovha, vakaenda kumba kwamambo nenzira yesuwo ravarindi vamambo. Iye akagara pachigaro choushe chamadzimambo.
20Naizvozvo vanhu vose venyika vakafara, guta rikanyarara; vakauraya Ataria nomunondo paimba yamambo.
21Jehoashi wakatanga kubata ushe ana makore manomwe.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.