Dhuteronomi 12 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

Nzvimbo tsvene

1“Ndizvo zvakatemwa, nezvakatongwa, zvamunofanira kuchenjera kuti muzviite panyika yawakapiwa naJehovha Mwari wamadzibaba ako, kuti ive yako, mazuva ose amunogara panyika.

2Munofanira kuparadza chose nzvimbo dzose, apo, ndudzi dzose dzamunopiwa kuti dzive dzenyu, padzaishumira vamwari vadzo, pamakomo marefu, napazvikomo, napasi pemiti mitema yose;

3munofanira kuputsa atari dzavo, nokuputsanya shongwe dzavo, nokupisa matanda avo okunamata nawo; mutemewo mifananidzo yavo yakavezwa; kuti muparadze zita razvo panzvimbo iyo.

4Regai kuitira Jehovha Mwari wenyu saizvozvo.

5Asi munofanira kushanyira panzvimbo yakatsaurwa naJehovha Mwari wenyu pakati pamarudzi enyu ose, kuti aise zita rakepo, paanogara, ndipo pamunofanira kushanyirapo, nokuendapo;

6munofanira kuuyapo nezvipiriso zvenyu zvinopiswa, nezvibairo zvenyu, nezvegumi zvenyu, nezvipiriso zvakatsaurwa namaoko enyu, nezvipikiso zvenyu, nezvipo zvokuda kwenyu, navana vematangwe emombe dzenyu nedzamakwai enyu;

7ndipo pamunofanira kudya pamberi paJehovha Mwari wenyu, muchifarira zvose zvamunobata namaoko enyu, imi, nemhuri dzenyu, sezvamakaropafadzwa naJehovha Mwari wenyu.

8“Hamufaniri kuita sezvatinoita pano nhasi, mumwe nomumwe sezvaanoona kuti ndizvo zvakanaka;

9nokuti muchigere kusvika pazororo napanhaka, yaunopiwa naJehovha Mwari wako.

10Asi kana mayambuka Jodhani, mogara munyika yamunopiwa naJehovha Mwari wenyu, ive nhaka yenyu, kana iye achikupai zororo pavavengi venyu vose vanokukombai, mogara makachengetwa,

11zvino kunzvimbo yakatsaurwa naJehovha, kuti aise zita rakepo, ndiko kwamunofanira kuuya nezvose zvandinokurairai, zvinoti: zvipiriso zvenyu zvinopiswa, nezvibairo zvenyu, nezvegumi zvenyu, nezvipiriso zvakatsaurwa namaoko enyu, nezvipikiso zvenyu zvakaisvonaka zvamunopikira Jehovha;

12mufare pamberi paJehovha Mwari wenyu, imi navanakomana venyu, navanasikana venyu, navaranda venyu, navarandakadzi venyu, nomuRevhi uri mukati mamasuwo enyu, nokuti iye haana mugove kana nhaka pakati penyu.

13Chenjera kuti urege kuuya nezvipiriso zvako zvinopiswa panzvimbo ipi neipi yaunoona,

14asi panzvimbo ichatsaurwa naJehovha pano rumwe rwamarudzi ako, ndipo paunofanira kuuya nezvipo zvako zvinopiswa, ndipo paunofanira kuita zvose zvandinokuraira.

15“Asi ungabaya hako nokudya hako nyama mukati mamasuwo ako ose, sezvinoda mwoyo wako, uye sezvawakaropafadzwa naJehovha Mwari wako; usina kunaka nowakanaka vose vangaidya, sezvinoitwa nenyama yemhara nenondo.

16Asi hamufaniri kudya ropa; unofanira kuriteurira pasi semvura.

17Usadya mukati mamasuwo ako zvegumi zvezviyo zvako, kana zvewaini yako, kana zvamafuta ako, kana vana vematangwe emombe dzako, kana dzamakwai ako, kana chipikiso chipi nechipi chaunopika nacho, kana zvipo zvokuda kwako, kana chipiriso chinotsaurwa noruoko rwako;

18asi unofanira kuzvidya pamberi paJehovha Mwari wako panzvimbo ichatsaurwa naJehovha Mwari wako, iwe, navanakomana vako navanasikana vako, navaranda vako navarandakadzi vako, nomuRevhi uri mukati mamasuwo ako; unofanira kufara pamberi paJehovha Mwari wako pazvose zvaunobata namaoko ako.

19Chenjera kuti urege kukanganwa muRevhi nguva yose yaunogara munyika yako.

20“Zvino kana Jehovha Mwari wako akurisa nyika yako, sezvaakakupikira, iwe ukati, ‘Ndichadya nyama,’ nokuti mwoyo wako unoda kudya nyama, ungadya hako nyama, sezvinoda mwoyo wako.

21Kana nzvimbo yakatsaurwa naJehovha, kuti aise zita rakepo, iri kure newe, unofanira kubaya zvimwe zvemombe dzako, kana zvamakwai ako, zvawakapiwa naJehovha, sezvandakakuraira, ugozvidya mukati mamasuwo ako, sezvinoda mwoyo wako.

22Unofanira kuzvidya sezvinodyiwa nyama yemhara neyenondo; usina kunaka nowakanaka vose vanofanira kuzvidya pamwechete.

23Asi chenjera kwazvo kuti urege kudya ropa, nokuti ropa ndihwo upenyu; usadya upenyu pamwechete nenyama.

24Usaridya, asi unofanira kuriteurira pasi semvura.

25Usaridya, kuti zvive zvakanaka newe, iwe, navana vako vanokutevera, kana uchiita zvakarurama pamberi paJehovha.

26Asi zvinhu zvako zvitsvene, nezvipikiso zvako, unofanira kuzvitora nokuenda nazvo kunzvimbo yakatsaurwa naJehovha.

27Zvino unofanira kugadzira zvipiriso zvako zvinopiswa, nyama neropa, paatari yaJehovha Mwari wako; ropa rezvibairo zvako rinofanira kuteurirwa paatari yaJehovha Mwari wako, asi iwe unofanira kudya nyama.

28Teerera unzwe zvakanaka mashoko awa andinokuraira, kuti zvive zvakanaka newe, iwe, navana vako vanokutevera nokusingaperi, kana uchiita zvakanaka nezvakarurama pamberi paJehovha Mwari wako.

29“Zvino kana Jehovha Mwari wako achiparadza pamberi pako ndudzi idzo, dzaunoenda kwadziri kundodziita dzako, ukadziita dzako, ukagara munyika yadzo;

30uchenjere kuti urege kunyengerwa kuzodzitevera, idzo dzamboparadzwa pamberi pako; kuti urege kubvunza vamwari vavo, uchiti, ‘Ndudzi idzi dzinoshumira vamwari vadzo seiko? Neni ndichaitawo saizvozvo.’

31Usaitira Jehovha Mwari wako saizvozvo; nokuti ivo vakaitira vamwari vavo zvose zvinonyangadza Jehovha, nezvaanovenga; nokuti kunyangwe vanakomana vavo navanasikana vavo vanovapisira vamwari vavo pamoto.

32“Chinhu chipi nechipi chandinokurairai, chenjerai kuti muzviite; musawedzera kwazviri, kana kutapudza kwazviri.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help