1Zvakazarurwa zvaJesu Kristu, zvakapiwa naMwari, kuti aratidze varanda vake zvinhu izvo zvinofanira kukurumidza kuitwa; akazvituma nomutumwa wake, ndokuzivisa muranda wake Johani,
2wakapupurira shoko raMwari, nezvokupupura kwaJesu Kristu, achireva zvose zvaakaona.
3Akaropafadzwa uyo anorava, navanonzwa mashoko okuporofita, vachichengeta zvakanyorwa imomo, nokuti nguva yava pedyo.
Vakanyorerwa; Chechi nomwe paEzhia4Johani kuchechi nomwe dziri paEzhia: Nyasha ngadzive nemi, norugare, zvinobva kuna iye aripo, wakanga aripo, noachazovapo; nokune mweya minomwe iri pamberi pechigaro chake choushe;
5nokuna Jesu Kristu, chapupu chakatendeka, dangwe kuvakafa, mubati wamadzishe enyika. Kuna iye anotida, akatisunungura pazvivi zvedu neropa rake,
6akatiita ushe, navapristi kuna Mwari naBaba vake, kwaari ngakuve kubwinya nesimba nokusingaperi–peri. Ameni.
7Tarirai, anouya namakore, meso ose achamuona, naivo vakamubaya; marudzi ose enyika achamuchema. Hongu, Ameni.
8Ndini Arifa naOmega. ndizvo zvinoreva Ishe Mwari, aripo, akanga aripo noachazovapo, waMasimbaose.
Jesu anozviratidza kuna Johani paPatimosi9Ini Johani, hama yenyu, mugoverani pamwechete nemi pakutambudzika, noushe, nokutsungirira muna Jesu, ndakanga ndiri pachiwi chinonzi Patimosi, nokuda kweshoko raMwari, nokwokupupura kwaJesu.
10Ndakanga ndiri muMweya nezuva raIshe, ndikanzwa shure kwangu izwi guru, rinenge serehwamanda,
11richiti, “Izvo zvaunoona, zvinyore mubhuku, uzvitumire chechi nomwe nomwe, paEfeso, napaSimirina, napaPerigamo, napaTiatira, napaSadhisi, napaFiradherifia, napaRaodhikia.”
12Ndikatendeuka kuti ndione izwi rakataura neni. Ndakati ndatendeuka, ndikaona zvigadziko zvemwenje zvinomwe zvendarama.
13Napakati pezvigadziko zvemwenje, mumwe wakafanana noMwanakomana womunhu, akafuka nguo yakasvikira kutsoka, akazvisunga napachipfuva nebhandi rendarama.
14Musoro wake nevhudzi rake zvakanga zviri zvichena samakushe machena, sechando; meso ake akaita somurazvo womoto;
15tsoka dzake dzakanga dzakafanana nesafuri inopenya, inenge yakanatswa muvira; izwi rake rakanga rakaita sezwi remvura zhinji.
16Muruoko rwake rworudyi akanga akabata nyenyedzi nomwe; mumuromo make makabuda munondo unopinza, unocheka kwose; chiso chake chaiva sezuva rinopenya nesimba raro.
17Ndakati ndichimuona, ndikawira pasi patsoka dzake sendinenge ndafa; akaisa ruoko rwake rworudyi pamusoro pangu akati, “Usatya, ndini wokutanga nowokupedzisira,
18naiye Mupenyu; ndakanga ndafa, tarira, ndiri mupenyu nokusingaperi–peri; ndine kiyi dzorufu neHadhesi.
19Naizvozvo nyora zvawaona, nezviripo, nezvichazovapo shure kwaizvozvi;
20zvakavanzika zvenyenyedzi nomwe dzawaona muruoko rworudyi rwangu, nezvigadziko zvemwenje zvinomwe zvendarama. Nyeredzi nomwe ndivo vatumwa vechechi nomwe; nezvigadziko zvemwenje zvinomwe ndizvo chechi nomwe.”
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.