Isaya 39 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

Nhume dzinobva Bhabhironi dzinoshanyira Hezekiya

1Zvino nenguva iyo Merodhakibharadhani mwanakomana waBharadhani, mambo weBhabhironi, akatuma tsamba nechipo kuna Hezekiya; nokuti akanga anzwa kuti airwara akaporazve.

2Hezekiya akafara pamusoro pavo, akavaratidza imba yakanga ine zvinokosha zvake, sirivha, nendarama, nezvinonhuwira, namafuta anokosha, neimba yaiva nenhumbi dzake dzose dzokurwa nadzo, nezvose zvakanga zviri papfuma yake; kwakanga kusisina chinhu mumba make, kana muushe hwake hwose, chavasina kuratidzwa naHezekiya.

3Zvino muporofita Isaya akasvika kuna mambo Hezekiya, akati kwaari, “Varume ava vakati kudiniko? Vakasvika kwauri vachibvepi?” Hezekiya akati, “Vakanga vabva kunyika iri kure, Bhabhironi vachiuya kwandiri.”

4Ipapo akati, “Vakaonei mumba mako?” Hezekiya akapindura, akati, “Vakaona zvose zviri mumba mangu; hakuna chinhu pakati pepfuma yangu chandisina kuvaratidza.”

5Ipapo Isaya akati kuna Hezekiya, “Inzwa shoko raJehovha wehondo,

6‘Tarira, mazuva achasvika, nenguva iyo zvose zviri mumba mako, nezvose zvakaunganidzwa namadzibaba ako kusvikira zuva ranhasi, zvichaiswa Bhabhironi; hakuna chinhu chichasiyiwa,’ ndizvo zvinotaura Jehovha.

7Vamwe vanakomana vako, vachabva kwauri, vauchabereka, vachatapwa; vachava varanda mumba mamambo weBhabhironi.”

8Ipapo Hezekiya akati kuna Isaya, “Shoko raJehovha ramataura rakanaka haro.” Akatiwo, “Nokuti rugare nezvokwadi zvichavapo pamazuva angu.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help