2 Makoronike 12 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

Mambo Shishaki anorwa naRehobhoamu

1Zvino ushe hwaRehobhoamu hwakati hwasimbiswa, iye ava nesimba, akarasha murairo waJehovha, naVaIsiraeri vose pamwechete naye.

2Zvino pagore rechishanu ramambo Rehobhoamu, Shishaki mambo weIjipiti akasvika kuzorwa neJerusaremu, nokuti vakanga vatadzira Jehovha,

3ane ngoro dzine chiuru chimwe namazana maviri, navatasvi vamabhiza vane zviuru zvina makumi matanhatu, navanhu vakabva naye Ijipiti, vakanga vasingagoni kuverengwa, vaiti: vaRubhimi, navaSukimi, navaItiopia.

4Akakunda maguta akakombwa aJudha, akasvika Jerusaremu.

5Zvino Shemaya muporofita akasvika kuna Rehobhoamu nokumachinda aJudha akanga akaungana paJerusaremu nemhaka yaShishaki, akati kwavari, “Zvanzi naJehovha, ‘Mandirasha, saka ndakakuregeraiwo paruoko rwaShishaki.’ ”

6Ipapo machinda aIsiraeri namambo vakazvininipisa, vakati, “Jehovha akarurama.”

7Zvino Jehovha akati achiona kuti vazvininipisa, shoko raJehovha rikasvika kuna Shemaya, richiti, “Vazvininipisa, handingavaparadzi, asi ndobva ndovarwira; kutsamwa kwangu hakungadururwi pamusoro peJerusaremu noruoko rwaShishaki.

8Kunyangwe zvakadaro vachava varanda vake; kuti vazive kuti zvakadini kundishumira ini nokushumira ushe hwenyika dzimwe.”

9Naizvozvo Shishaki mambo weIjipiti akandorwa neJerusaremu, akatora pfuma yeimba yaJehovha, nepfuma yeimba yamambo; akazvitora zvose; akatorawo nhoo duku dzose dzendarama dzakaitwa naSoromoni.

10Ipapo mambo Rehobhoamu akaita panzvimbo yazvo nhoo duku dzendarira, akadziisa pamaoko avakuru vavarindi, vairinda mukova weimba yamambo.

11Zvino nguva dzose kana mambo achipinda mumba maJehovha, varindi vaidzibata, ndokudzidzoserazve mumba mavarindi.

12Zvino akati azvininipisa, kutsamwa kwaJehovha kukabviswa kwaari, akasaparadzwa chose; uyezve, kuna Judha zvimwe zvakanaka zvakawanikwa.

13Nokudaro mambo Rehobhoamu akazvisimbisa paJerusaremu, akabata ushe; nokuti Rehobhoamu akanga ana makore makumi mana nerimwe pakutanga kwake kubata ushe, akabata ushe paJerusaremu makore ane gumi namanomwe, iro guta rakanga ratsaurwa naJehovha pamarudzi ose aIsiraeri, kuti aise zita rakemo; zita ramai vake rakanga riri Naama muAmoni.

14Akaita zvakaipa, nokuti haana kushingaira kutsvaka Jehovha.

15Zvino mabasa aRehobhoamu, okutanga nookupedzisira, haana kunyorwa here mumashoko omuporofita Shemaya, noomuoni Idho, mazita amadziteteguru achiverengwawo? Zvino kurwa kwakanga kuripo pakati paRehobhoamu naJerobhoamu nguva dzose.

16Rehobhoamu akavata namadzibaba ake, akavigwa muguta raDhavhidhi; Abhija mwanakomana wake akamutevera paushe.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help