Ekisodho 37 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

Areka, netafura, nemwenje, neatari yezvinonhuwira

1Zvino Bhezareri akaita areka yamatanda omuakeshia; kureba kwayo kwaiva makubhiti maviri nehafu, noupamhi hwayo kubhiti rimwe nehafu, nokukwirira kwayo kubhiti rimwe nehafu;

2akaifukidza nendarama yakaisvonaka nechomukati nechokunze, akaita pamusoro payo hata yendarama yakaipoteredza.

3Akaiumbira zvindori zvina zvendarama, akazviisa pamakumbo ayo mana; zvindori zviviri zvaiva parutivi rumwe, nezvindori zviviri panorumwe rutivizve.

4Akaveza matanda omuakeshia, akaafukidza nendarama,

5akapinza matanda iwayo muzvindori zvaiva panhivi dzeareka, kuti areka itakurwe nawo.

6Akaitawo chifunhiro chokuyananisa nendarama yakaisvonaka; kureba kwacho kwaiva makubhiti maviri nehafu, noupamhi hwacho kubhiti rimwe nehafu;

7akaita makerubhi maviri endarama, akaaita nendarama yakapambadzirwa pamiromo miviri yechifunhiro chokuyananisa,

8kerubhi rimwe pamuromo mumwe, nerimwe kerubhi panomumwe muromo; akaita makerubhi pamiromo yacho miviri, zvikava chinhu chimwechete nechifunhiro chokuyananisa.

9Makerubhi akanga akatambanudzira mapapiro awo kumusoro, akafukidza chifunhiro chokuyananisa namapapiro awo, zviso zvawo zvakatarisana; zviso zvamakerubhi zvakanga zvakatarira chifunhiro chokuyananisa.

10Akaitawo tafura yamatanda omuakeshia; kureba kwayo kwaiva makubhiti maviri, noupamhi hwayo kubhiti rimwe, nokukwirira kwayo kubhiti rimwe nehafu.

11Akaifukidza nendarama yakaisvonaka, akaiitirawo hata yendarama yakanga ichiipoteredza;

12akaiitirawo ukomba hwakanga huchiipoteredza, upamhi hwahwo sechanza; akaiitirawo hata yendarama yaipoteredza ukomba hwayo.

13Akaiitira zvindori zvina zvendarama, akaisa zvindori pamakona mana aiva pamakumbo ayo mana.

14Zvindori zvaiva pedyo noukomba, paiva pokutakura tafura napo namatanda.

15Akaita matanda omuakeshia, akaafukidza nendarama, kuti tafura itakurwe nawo.

16Akaitawo midziyo yaigara pamusoro petafura, ndiro dzayo, nembiya dzayo, nemikombe yayo, nezvirongo zvayo zvokudira nazvo, zvose zvendarama yakaisvonaka.

17Akaitawo chigadzikiro chemwenje chendarama yakaisvonaka; akaita chigadzikiro nendarama yakapambadzirwa, chigadzikiro chacho, nehunde yacho, notumbiya twacho, namapfundo acho, namaruva acho; zvose zvikava chinhu chimwechete nacho;

18kumativi acho kukabuda matavi matanhatu, matavi matatu echigadzikiro kuno rumwe rutivi rwacho, namatavi matatu echigadzikiro kuno rumwe rutivi rwacho.

19Tumbiya tutatu twakaumbwa samaruva omuamanda padavi rimwe, nefundo neruva, notumbiya tutatuzve twakaumbwa samaruva omuarimondi pane rimwe davi, nefundo neruva; saizvozvo matavi matanhatu akabuda pachigadzikiro.

20Uye pachigadzikiro pakanga panotumbiya tuna twakanga twakaumbwa samaruva omuarimondi, namafundo atwo, namaruva atwo;

21nefundo panyasi pamatavi maviri akanga akaumbwa pamwechete nacho; nefundozve panyasi pamatavi maviri akaumbwa pamwechete nacho, akafanana namatavi matanhatu akabuda pachigadzikiro.

22Mafundo azvo namatavi azvo akanga akaumbwa pamwechete nazvo, zvose zvikava chinhu chimwe chakanga chakumbwa nendarama yakaisvonaka, yakapambadzirwa.

23Akaita mwenje yacho minomwe, nembato dzacho, nendiro dzacho, zvose nendarama yakaisvonaka.

24Akachiumba netarenda rendarama yakaisvonaka, pamwechete nemidziyo yayo yose.

25Akaitawo atari yezvinonhuwira nomuakeshia; kureba kwayo kwakanga kuri kubhiti rimwe, noupamhi hwayo kubhiti rimwezve; nhivi dzose ina dzakanga dzakaenzana; kukwirira kwayo kwaiva makubhiti maviri, nenyanga dzayo dzakanga dziri chinhu chimwechete nayo.

26Akaifukidza nendarama yakaisvonaka, kumusoro kwayo, nenhivi dzayo dzose, nenyanga dzayo; akaiitirawo hata yendarama yakanga yakaipoteredza.

27Akaiitirawo zvindori zviviri zvendarama pasi pehata yayo, pakona dzayo mbiri panhivi dzayo mbiri, pakava pokuitakura napo namatanda.

28Akaitawo matanda omuakeshia, akaafukidza nendarama.

29Akaitawo mafuta matsvene okuzodza nawo, nezvinonhuhwira zvakaisvonaka zvemiti inonaka, zvikava zvakavhenganiswa nouchenjeri hwomuvhenganisi wezvinonhuhwira.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help