Zvirevo 26 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

1Sezvakaita chando muzhizha,

uye sezvakaita mvura mukucheka,

Saizvozvo kukudzwa hakufaniri benzi.

2Sezvinoita shiri pakupaparika kwayo,

nenyenganyenga pakubhururuka kwayo,

Saizvozvo kutuka pasina mhosva hakuitiki.

3Tyava yakaitirwa bhiza, namatomu mbongoro,

Neshamhu musana wamapenzi.

4Usapindura benzi noupenzi hwaro,

Kuti urege kufanana naro.

5Pindura benzi noupenzi hwaro,

Kuti rirege kuti rakachenjera.

6Anotuma shoko noruoko rwebenzi,

Unozvigura tsoka, nokunwa kutambudzika.

7Makumbo echirema anongoremberera;

Ndizvo zvakaita chirevo mumuromo webenzi.

8Somunhu anosungira ibwe pachifuramabwe,

Ndizvo zvakaita iye anokudza benzi.

9Sezvinoita minzwa muruoko rwomukariri wedoro,

Ndizvo zvakaita chirevo mumuromo webenzi.

10Somufuri wemiseve, anofura zvose,

Ndizvo zvakaita munhu anosevenzesa benzi

neanosevenzesa vafambi.

11Sembwa inodzokera kumarutsi ayo,

Ndizvo zvakaita benzi rinopamhidza upenzi hwaro.

12Unoona munhu anoti ndakachenjera here?

Benzi riri nani kuna iye!

13Simbe inoti, “Kune shumba panzira;

Shumba iri munzira dzomumusha.”

14Gonhi rinotendereka pamahinji aro;

Ndizvo zvinoita simbe panhoo dzayo.

15Simbe inopinza ruoko rwayo mundiro,

Ino usimbe kurudzoserazve kumuromo wayo.

16Simbe inozviti ndakachenjera

Kupfuura vanhu vanomwe vanogona kupindura nenjere.

17Somunhu anobata imbwa nenzeve dzayo,

ichingopfuura hayo,

Ndizvo zvakaita munhu anozvipinza

pagakava raasina mhosva naro.

18Somupengo anokanda zvitsika,

Nemiseve, nezvinouraya,

19Ndizvo zvinoita munhu anonyengedzera wokwake,

Achiti, “Ndinongoita zvangu jee!”

20Moto unodzima nokushaiwa huni;

Uye kana kusina mucheri, gakava rinopera.

21Sezvakaita mazimbe pazvitsika zvinopfuta, nehuni pamoto,

Ndizvo zvakaita munhu wegakava

pakupfutidza rukave.

22Mashoko omucheri akaita sezvimedu zvinozipa,

Zvinoburukira mukati–kati momuviri.

23Miromo inopisa norudo pamwechete

nomwoyo wakaipa,

Zvakafanana nomudziyo wevhu wakanamirwa

namarara anobva pasirivha.

24Muvengi anonyengedzera nemiromo yake,

Asi anovanza kunyengedzera mumwoyo make.

25Kana achitaura zvinonaka, usamutenda;

Nokuti mumwoyo make mune zvinonyangadza zvinomwe.

26Kunyangwe kuvenga kwake kuchizvivanza nokunyengedzera,

Kushata kwake kuchabudiswa pachena pamberi peungano.

27Ani naani anochera gomba, achawiramo iye;

Anokungurusa ibwe, richadzokera pamusoro pake.

28Rurimi rwenhema runovenga akuvadzwa narwo;

Nomuromo unobata kumeso unoparadza.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help