Isaya 2 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

Kubata ushe kwaJehovha pamazuva okupedzisira

1Shoko rakaonekwa naIsaya, mwanakomana waAmozi, pamusoro paJudha neJerusaremu.

2Pamazuva okupedzisira zvichaitika kuti gomo reimba yaJehovha richasimbiswa pamusoro pamakomo, richakwiridzwa kupfuura zvikomo; marudzi ose achamhanyira kwariri.

3Vanhu vazhinji vachaendako vachiti, “Uyai, ngatikwire kugomo raJehovha, kuimba yaMwari waJakobho; iye achatidzidzisa nzira dzake, tichafamba mumakwara ake;” nokuti murairo uchabva paZioni, shoko raJehovha richabva Jerusaremu.

4Iye achatonga pakati pamarudzi, nokururamisira vanhu vazhinji; vachapfura minondo yavo vachiita miromo yegejo, namapfumo avo vachiaita mapanga okuchekerera miti; rumwe rudzi harungazosimudziri rumwe rudzi munondo, havangazodzidzi kurwa.

VaIsiraeri ngavadzokere kuna Jehovha, varase zvifananidzo zvavo

5Iwe imba yaJakobho, uyai tifambe muchiedza chaJehovha.

6Nokuti imi Jehovha makasiya vanhu venyu veimba yaJakobho, nokuti vazere netsika dzinobva mabvazuva, vanouka savaFirisitia, vanobatana maoko navana vavatorwa.

7Nyika yavo izere nesirivha nendarama, pfuma yavo haiperi; nyika yavo izerewo namabhiza, nengoro dzavo dzokurwa hadziperi.

8Nyika yavo izerewo nezvifananidzo; vanonamata zvakaitwa namaoko avo, izvo zvakaitwa neminwe yavo.

9Vanhu vaduku vakakotamiswa, navakuru vakaninipiswa; saka musavakanganwira.

10Pinda mudombo, uvande muguruva, nokuda kwaJehovha anotyisa, uye nokuda kwokubwinya kwoumambo hwake.

11Kuzvikudza kwavanhu kuchaderedzwa, namanyawi avanhu achaninipiswa, Jehovha oga achakudzwa nezuva iro.

12Nokuti Jehovha wehondo ane zuva rake pamusoro pavose vanodada navanozvikudza, navana manyawi; vachaderedzwa;

13napamusoro pemisidhari yose yeRebhanoni yakareba yakakwirira; napamusoro pamioku yose yeBhashani,

14napamusoro pamakomo ose marefu, napamusoro pezvikomo zvose zvakakwirira,

15napamusoro peshongwe dzose refu, napamusoro pamasvingo ose akasimbiswa,

16napamusoro pezvikepe zvose zveTashishi, napamusoro pezvifananidzo zvose zvinofadza.

17Ukuru hwavanhu huchakotamiswa, nokuzvikudza kwavanhu kuchaderedzwa; Jehovha oga achakudzwa nezuva iro.

18Zvifananidzo zvichapera chose.

19Vanhu vachapinda mumapako amatombo, nomumakomba muvhu, nokuda kwaJehovha anotyisa, uye nokuda kwokubwinya kwoumambo hwake, kana achisimuka kuzunungusa nyika nesimba.

20Nezuva iro vanhu vacharasa zvifananidzo zvavo zvesirivha nezvifananidzo zvavo zvendarama, zvavakazviitira kuti vazvinamate, vachizviisa kunhuta nezviremwaremwa;

21vapinde mumapako amatombo, nomumikaha yamatombo makuru, nokuda kwaJehovha anotyisa, uye nokuda kwokubwinya kwoumambo hwake, kana achisimuka kuzunungusa nyika nesimba.

22Regai munhu, anokufema mumhino dzake; nokuti anobatsireiko?

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help