2 Madzimambo 14 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

Amazia mambo waJudha

1Negore rechipiri raJoashi mwanakomana waJoahazi mambo weIsiraeri, Amaziya mwanakomana waJoashi mambo waJudha, akatanga kubata ushe.

2Akatanga kubata ushe ana makore makumi maviri namashanu; akabata ushe paJerusaremu makore makumi maviri namapfumbamwe; zita ramai vake rakanga riri Jehoadhini weJerusaremu.

3Akaita zvakarurama pamberi paJehovha, asi haana kufanana nababa vake Dhavhidhi; akaita zvose zvakaita baba vake Joashi.

4Asi matunhu akakwirira haana kubviswa, asi vanhu vakaramba vachibayira nokupisa zvinonhuwira pamatunhu akakwirira.

5Zvino ushe hwakati huchangosimbiswa naye, akauraya varanda vake vakanga vauraya mambo baba vake.

6Asi haana kuuraya vana vavaurayi, sezvazvakanyorwa muBhuku yoMurairo waMosesi, sezvakaraira Jehovha, achiti, “Madzibaba ngaarege kuurayiwa nokuda kwavana, kana vana ngavarege kuurayiwa nokuda kwamadzibaba; asi munhu mumwe nomumwe ngaafire zvivi zvake.”

7Akauraya vane zviuru zvine gumi zvavaEdhomu pamupata womunyu, akakundawo Sera pakurwa, akaritumidza zita rinonzi Joketeeri, kusvikira zuva ranhasi.

8Zvino Amaziya akatuma nhume kuna Jehoashi mwanakomana waJehoahazi mwanakomana waJehu, mambo weIsiraeri, akati, “Uya tionane.”

9Jehoashi mambo weIsiraeri akatuma shoko kuna Amaziya mambo waJudha, akati, “Rukato rwakanga ruri paRebhanoni rwakatuma shoko kumusidhari wakanga uri paRebhanoni, rukati, ‘Ipa mwanakomana wangu mukunda wako, ave mukadzi wake;’ zvino imwe mhuka yakanga iri paRebhanoni ikapfuurapo, ikatsika–tsika rukato.

10Iwe wakunda vaEdhomu, zvino mwoyo wako wozvikudza; chikudza hako, ugare kumusha; nokuti unotsvakireiko njodzi, uwiremo, iwe naJudha pamwechete newe?”

11Asi Amaziya wakaramba kunzwa. Naizvozvo Jehoashi mambo weIsiraeri akaenda; iye naAmaziya mambo waJudha vakaonana paBhetishemeshi raiva raJudha.

12VaJudha vakakundwa naVaIsiraeri, mumwe nomumwe akatizira kutende rake.

13Jehoashi mambo weIsiraeri akasunga Amaziya mambo waJudha, mwanakomana waJehoashi, mwanakomana waAhazia, paBhetishemeshi, akasvika Jerusaremu, akaputsa rusvingo rweJerusaremu, kubva pasuwo raEfuremu kusvikira pasuwo rapakona, makubhiti ana mazana mana.

14Akatora ndarama yose nesirivha, nemidziyo yose yakawanikwa mumba maJehovha, napapfuma yomumba mamambo, navanhu kuzova rubatso, akadzokera Samaria.

15Zvino mamwe mabasa aJehoashi aakaita, nesimba rake, nokurwa kwake naAmaziya mambo waJudha, hazvina kunyorwa here mubhuku yamakoronike amadzimambo eIsiraeri?

16Jehoashi akavata namadzibaba ake, akavigwa paSamaria kuna madzimambo eIsiraeri; Jerobhoamu akamutevera paushe.

Jerobhoamu wechipiri mambo weIsiraeri

17Amaziya mwanakomana waJoashi mambo waJudha wakaramba ari mupenyu makore ane gumi namashanu, shure kwokufa kwaJehoashi mwanakomana waJehoahazi mambo weIsiraeri.

18Zvino mamwe mabasa aAmaziya haana kunyorwa here mubhuku yamakoronike amadzimambo aJudha?

19Zvino vakarangana kumuuraya paJerusaremu, akatizira Rakishi; asi vakatuma vanhu Rakishi vachimutevera, vakamuurayirapo.

20Vakauya naye pamabhiza, akavigwa kuna madzibaba ake muguta raDhavhidhi.

21Zvino vanhu vose vaJudha vakatora Azaria, wakanga ana makore ane gumi namatanhatu, vakamuita mambo panzvimbo yababa vake Amaziya.

22Akavaka Erati, akaridzosera kuna Judha, mambo avata namadzibaba ake.

23Negore regumi namashanu raAmaziya mwanakomana waJoashi mambo waJudha, Jerobhoamu mwanakomana waJoashi, mambo weIsiraeri, akatanga kubata ushe paSamaria, akaubata makore ana makumi mana nerimwe.

24Akaita zvakaipa pamberi paJehovha; haana kutsauka pazvivi zvose zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, zvaakatadzisa Isiraeri nazvo.

25Akakundazve nyika yeIsiraeri, kubva pavanopinda paHamati kusvikira pagungwa reArabha, sezvakarehwa neshoko raJehovha, Mwari weIsiraeri, raakataura nomuromo womuranda wake Jona, mwanakomana waAmitai, muporofita weGatiheferi.

26Nokuti Jehovha akaona kutambudzika kwaIsiraeri, kuti kwakanga kwakanyanya kwazvo; nokuti kwakanga kusina vakuru navaduku, kwakanga kusina mubetseri waIsiraeri.

27Asi Jehovha haana kutaura kuti uchadzima zita reIsiraeri pasi pedenga, asi wakavaponesa noruoko rwaJerobhoamu mwanakomana waJoashi.

28Zvino mamwe mabasa aJerobhoamu, nezvose zvaakaita, nesimba rake, nokurwa kwake, nokudzosera kwake Dhamasikosi neHamati kuna Isiraeri, aiva maguta aJudha, hazvina kunyorwa here mubhuku yamakoronike amadzimambo eIsiraeri?

29Jerobhoamu akavata namadzibaba ake, madzimambo eIsiraeri; Zekariya mwanakomana wake akamutevera paushe.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help