Mapisarema 69 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

Munyengetero waDhavhidhi pakutambudzika kukuruKumutungamiriri wokuimba; nomuimbirwo weShoshanimi. Pisarema raDhavhidhi.

1Ndiponesei, Mwari,

Nokuti mvura zhinji yasvikira

pamweya wangu.

2Ndinonyura munhope yakadzika, pasina pokumira;

Ndakasvika pamvura zhinji yakadzika,

pandinofukidzwa nenzizi.

3Ndaneta nokuchema kwangu; huro dzangu dzaoma;

Meso angu anovava nokurindira Mwari wangu.

4Vanondivenga ndisina mhosva vazhinji

kupfuura vhudzi romusoro wangu;

Avo vanoda kundiparadza vane simba,

kunyangwe vachindivenga ndisina mhosva;

Ndakafanira kudzosera zvandinenge ndisina kutora.

5Mwari munoziva upenzi hwangu;

Mhosva dzangu hadzina kukuvanzirwai.

6Ishe Mwari wehondo, vanokurindirai

ngavarege kunyadziswa nokuda kwangu;

Mwari waIsiraeri, vanokutsvakai

ngavarege kuzvidzwa nokuda kwangu.

7Nokuti ndakatenda kushorwa nokuda kwenyu;

Kunyadza kwakafukidza chiso changu.

8Ndakava mutorwa kuhama dzangu,

Nomubvakure kuvana vamai vangu.

9Nokuti kushingairira imba yenyu kwakandipedza;

Nokushora, kwavanokushorai

kwakawira pamusoro pangu.

10Panguva yokuchema kwangu nokutambudza

mweya wangu ndichizvinyima,

Ndakashorwa nokuda kwazvo.

11Panguva yandakafuka masaga

ndikaaita nguo dzangu,

Ndakava tsumo pakati pavo.

12Vanogara pasuwo vanondireva;

Ndiri chiimbo chavakabatwa nedoro.

13Asi kana ndirini, munyengetero

wangu uri kwamuri, Ishe, panguva yakafanira;

Mwari, netsitsi dzenyu zhinji

Ndipindurei nokuponesa kwenyu kwakatendeka.

14Ndirwirei munhope, ndirege kunyura;

Ndirwirwe kuna vanondivenga,

napamvura zhinji yakadzika.

15Boporodzi remvura rirege kundikunda,

Mvura yakadzika irege kundimedza;

Gomba rirege kuzarira muromo

waro pamusoro pangu.

16Ndipindurei, Jehovha;

nokuti unyoro hwenyu hwakanaka;

Ringirai kwandiri nokuda kwetsitsi dzenyu zhinji.

17Regai kuvanzira muranda wenyu chiso chenyu;

Nokuti ndiri pakutambudzika;

kurumidzai kundipindura.

18Swederai kumweya wangu, muudzikinure;

Ndidzikinurei nokuda kwavavengi vangu.

19Munoziva kushorwa kwangu,

nokunyadzwa kwangu nokuzvidzwa kwangu;

Vadzivisi vangu vose vari mberi kwangu.

20Kushora kwakaputsa mwoyo wangu;

ndaremerwa kwazvo;

Ndakatsvaka vangandinzwira nyasha,

asi kwakanga kusina munhu;

Ndakatsvaka vavaraidzi, asi handina kuwana nomumwe.

21Vakandipa nduru zvive zvokudya zvangu;

Pakunzwa nyota kwangu vakandinwisa vhiniga.

22Tafura yavo ngaive musungo pamberi pavo;

Neriva, kana vakagarika havo.

23Meso avo ngaapofomadzwe, varege kuona,

Zviuno zvavo ngazvirambe zvichiguda–guda.

24Dururai kutsamwa kwenyu pamusoro pavo,

Hasha dzenyu dzinopfuta, ngadzivabate.

25Ugaro hwavo ngahuparadzwe;

Ngakurege kuva nomunhu anogara pamatende avo.

26Nokuti vanotambudza uyo wamakarova;

Vanotaura zvokurwadziwa kwavaya vamakakuvadza.

27Wedzerai zvakaipa pazvakaipa zvavo;

Ngavarege kupinda pakururama kwenyu.

28Ngavadzimwe parugwaro rwoupenyu,

Varege kunyorwa pamwechete navakarurama.

29Asi ini ndiri murombo, ndinorwadziwa;

Kuponesa kwenyu, Mwari, ngakundiise pakakwirira.

30Ndicharumbidza zita raMwari norwiyo,

Ndichamukudza nokuvonga.

31Izvo zvichafadza Jehovha kupfuura nzombe,

Kana hando ine nyanga namahwanda.

32Vanyoro vakazviona vakafara;

Imi munotsvaka Mwari, mwoyo yenyu ngairarame.

33Nokuti Jehovha anonzwa vashaiwi,

Haashori vasungwa vake.

34Kudenga napasi ngazvimurumbidze,

Makungwa, nezvose zvinopfakanyikamo.

35Nokuti Mwari achaponesa Zioni,

nokuvaka maguta aJudha;

Vachagaramo, ive nhaka yavo.

36Ichava nhaka yavana vavaranda vake;

Vanoda zita rake vachagaramo.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help