Mapisarema 112 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

Kuropafadzwa kwomunhu anoda Jehovha

1Hareruya!

Akaropafadzwa munhu anotya Jehovha,

Anofarira zvikuru mirairo yake.

2Vana vake vachava nesimba pasi;

Rudzi rwowakarurama rucharopafadzwa.

3Pfuma nezvakawanda zviri mumba make;

Kururama kwake kunogara nokusingaperi.

4Akarurama anobudirwa nechiedza parima;

Iye ane nyasha, netsitsi nokururama.

5Ane mufaro munhu uyo anoita

nenyasha, anopa chikwereti;

Acharuramisirwa mhaka yake pakutonga.

6Nokuti haangatongozununguswi;

Akarurama acharamba achirangarirwa nokusingaperi.

7Haangatyi mashoko ezvinhu zvakaipa;

Mwoyo wake wakasimba, uchavimba naJehovha.

8Mwoyo wake wakasimbiswa, haangatyi,

Kusvikira aona kukundwa kwavadzivisi vake.

9Akaparadzira, akapa vashaiwi;

Kururama kwake kunogara nokusingaperi;

Runyanga rwake ruchakwiridzwa nokukudzwa.

10Akaipa achazviona, ndokufa neshungu;

Achageda–geda meno ake, ndokunyauka;

Kuda kwowakaipa kuchaparara.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help