1Hareruya!
Akaropafadzwa munhu anotya Jehovha,
Anofarira zvikuru mirairo yake.
2Vana vake vachava nesimba pasi;
Rudzi rwowakarurama rucharopafadzwa.
3Pfuma nezvakawanda zviri mumba make;
Kururama kwake kunogara nokusingaperi.
4Akarurama anobudirwa nechiedza parima;
Iye ane nyasha, netsitsi nokururama.
5Ane mufaro munhu uyo anoita
nenyasha, anopa chikwereti;
Acharuramisirwa mhaka yake pakutonga.
6Nokuti haangatongozununguswi;
Akarurama acharamba achirangarirwa nokusingaperi.
7Haangatyi mashoko ezvinhu zvakaipa;
Mwoyo wake wakasimba, uchavimba naJehovha.
8Mwoyo wake wakasimbiswa, haangatyi,
Kusvikira aona kukundwa kwavadzivisi vake.
9Akaparadzira, akapa vashaiwi;
Kururama kwake kunogara nokusingaperi;
Runyanga rwake ruchakwiridzwa nokukudzwa.
10Akaipa achazviona, ndokufa neshungu;
Achageda–geda meno ake, ndokunyauka;
Kuda kwowakaipa kuchaparara.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.