Isaya 47 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

Kutongwa kweBhabhironi

1Buruka, ugare muguruva, iwe mhandara, mukunda weBhabhironi; gara pasi pasina chigaro choushe, iwe mukunda wavaKaradhia; nokuti hauchazonzi uno undere nechidikanwa.

2Tora guyo nehuyo ukuye upfu; bvisa chifukidziro chechiso chako, bvisa nguo yako yakareba fukura gumbo rako, yambuka nzizi.

3Kusafuka kwako kuchava pachena, kunyadzwa kwako kuchaonekwa; ndichazvitsiva, ndisingarangariri munhu.

4Mudzikinuri wedu, zita rake rinonzi Jehovha wehondo, Mutsvene waIsiraeri.

5Gara unyerere, upinde murima, iwe mukunda wavaKaradhia; nokuti hauchazonzi Vahosi hwoushe huzhinji.

6Ndakanga ndakatsamwira vanhu vangu, ndakamhura nhaka yangu, ndikavaisa mumaoko ako; iwe hauna kuvanzwira tsitsi, wakaisa joko rako rinorema kwazvo pamusoro pavatana.

7Ukati, “Ndichava vahosi nokusingaperi;” naizvozvo hauna kufunga zvinhu izvi, hauna kurangarira kuguma kwazvo.

8Naizvozvo zvino chinzwa chinhu ichi, iwe unongorangarira zvinofadza, ugere zvakasimba, unoti mumwoyo mako “Ndini ndoga, hakuna mumwe kunze kwangu; handingagari ndiri chirikadzi, handingazivi kufirwa navana.”

9Asi zvinhu izvi zviviri zvichakuwira nechinguva chiduku, nezuva rimwechete, kufirwa navana, nouchirikadzi; zvichakuwira nechiyero chizere, pakati paun'anga hwako huzhinji, nouroyi hwako hwakawanda.

10Nokuti wakavimba nezvakaipa zvako; wakati, “Hakuna anondiona;” wakakanganiswa nouchenjeri hwako nezivo yako, ukati mumwoyo mako, “Ndini ndoga, hakuna mumwe kunze kwangu.”

11Naizvozvo zvakaipa zvichakuwira, zvausingazivi kuvamba kwazvo; uchawirwa nenjodzi, yausingagoni kubvisa; kuparadzwa kuchakuwira pakarepo, kwausingazivi.

12Zvino uya nouroyi hwako noun'anga hwako huzhinji, hwawakabata nahwo kubva pauduku hwako, zvimwe ungabatsirwa, zvimwe ungakunda.

13Waneta nokuwanda kwamano ako; zvino, vanodudzira zvokudenga, navanocherechedza nyenyedzi, navanofembera zvomedzi mumwe nomumwe ngavasimuke, vakuponese pazvinhu zvichakuwira.

14Tarira, vachaita samashanga, vachapiswa nomoto, havangagoni kuzvirwira pasimba romurazvo; haungavi zimbe rokudziya, kana moto ungagotwa.

15Ndizvo zvichaita zvose zvawakabatira; vakashambadzirana newe kubva pauduku hwako, vachadzungaira mumwe nomumwe nenzira yake; pachashaikwa anokuponesa.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help