1Vanhu vose vanoti upombwe huripo pakati penyu, upombwe hwakadaro husingazikanwi kunyangwe pakati pavahedheni, hwokuti mumwe anogara nomukadzi wababa vake.
2Munozvikudza, hazvizaiva nani here kana makachema, kuti uyo akabata basa iri abviswe pakati penyu?
3Nokuti ini, zvirokwazvo, kunyangwe ndisipo nomuviri, asi ndiripo hangu nomweya, ndatotongesa uyo akaita chinhu ichi, sendinenge ndiripo,
4nemi, makaungana pamwechete nomweya wangu nezita raIshe Jesu Kristu, nesimba raIshe wedu Jesu,
5kuti munhu akadai aiswe kuna Satani, nyama iparadzwe, kuti mweya uponeswe pazuva raIshe.
6Kuzvirumbidza kwenyu hakuna kunaka. Ko hamuzivi kuti mbiriso shoma inovirisa bundu rose here?
7Bvisai mbiriso yekare, kuti muve bundu idzva, sezvamusina kuviriswa. Nokuti Pasika yedu, yakatibayirwa, ndiKristu;
8saka ngatiite mutambo, tisingaiti nembiriso yekare, kana nembiriso yokushata nokuipa; asi nechingwa chisina kuviriswa chokururama nezvokwadi.
9Ndakakunyorerai netsamba yangu, kuti murege kufambidzana nemhombwe;
10handiti nemhombwe dzose dzenyika ino, kana vanoruchiva, kana makororo, kana vanonamata zvifananidzo, nokuti kana zvakadaro maifanira kubva panyika.
11Asi zvino ndinokunyorerai, kuti murege kufambidzana nomunhu anoidzwa hama, kana ari mhombwe, kana anoruchiva, kana anonamata zvifananidzo, kana mutuki, kana anosinwa doro, kana gororo; musadya nowakadai.
12Nokuti ini ndichatongereiko vari kunze? Ko imi hamutongi vari pakati penyu here?
13Asi avo vari kunze. Mwari anovatonga. Bvisai pakati penyu munhu uyo wakaipa.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.