Nehemiya 8 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

Ezira unovaravira murairo waJehovha

1Zvino vanhu vose vakaungana nomwoyo mumwe padare rakanga riri pamberi pesuwo remvura; vakauudza Ezira munyori kuti auye neBhuku roMurairo waMosesi, wakanga warairwa VaIsiraeri naJehovha.

2Ezira mupristi ndokuuya nomurairo pamberi peungano yavarume navakadzi, navose vakanga vachigona kunzwisisa, nezuva rokutanga romwedzi wechinomwe.

3Akaravamo padare rakanga riri pamberi pesuwo remvura, kubva mangwanani kusvikira masikati, pamberi pavarume navakadzi navose vakanga vachigona kunzwisisa; nzeve dzavanhu vose dzikateerera mashoko eBhuku romurairo.

4Ezira munyori akamira pakakwirira pakanga pakavakirwa izvozvo namatanda; uye Matitia, naShema, naAnaya, naUriya, naHirikiya naMaaseya vakamira kurutivi rwake rworudyi, naPedhaya, naMishaeri, naMarikiya, naHashumi, naHashibhadhana, naZekariya, naMeshurami vakamira kuruboshwe rwake.

5Ezira akazarura Bhuku pamberi pavanhu vose; (nokuti akanga amire kumusoro kwavanhu vose;) zvino akati achizarura vanhu vose ndokusimuka.

6Ipapo Ezira akavonga Jehovha, Mwari mukuru. Vanhu vose vakapindura, vachiti, “Ameni, Ameni,” vachisimudza maoko avo; ipapo vakakotamisa misoro yavo, vakanamata kuna Jehovha zviso zvavo zvakatarira pasi.

7Jeshua, naBhani, naSherebhia, naJamini, naAkubhi, naShabhetai, naHodhia, naMaaseya, naKerita, naAzaria, naJozabhadhi, naHanani, naPeraya, navaRevhi vakadudzira vanhu mirairo; vanhu vakaramba vamire panzvimbo yavo.

8Vakarava zvichinzwika kwazvo muBhuku roMurairo waMwari; vakazvidudzira, vakanzwisisa zvinorahwa.

9Ipapo mubati Nehemiya, nomupristi Ezira munyori, navaRevhi vakadzidzisa vanhu, vakati kuvanhu vose, “Zuva rino idzvene kuna Jehovha Mwari wenyu; musaungudza nokuchema; nokuti vanhu vose vakachema vachinzwa mashoko omurairo.”

10Ipapo akati kwavari, “Endai henyu, mudye zvakakora, nokunwa zvinozipa, mugotumirawo migove kuna vasina kugadzirirwa chinhu; nokuti zuva rino idzvene kuna She wedu; musava neshungu, nokuti mufaro waJehovha isimba renyu.”

11Naizvozvo vaRevhi vakanyaradza vanhu vose, vachiti, “Nyararai henyu, nokuti izuva dzvene; musava neshungu.”

12Ipapo vanhu vose vakaenda kundodya nokunwa, nokutumira vamwe migove, nokufara kwazvo; nokuti vakanga vanzwisisa mashoko avakaparidzirwa.

13Zvino pazuva rechipiri vakuru vedzimba dzamadzibaba avanhu vose, navapristi, navaRevhi, vakaunganira kuna Ezira munyori, kuzoterera mashoko omurairo.

14Vakawana pakanyorwa mumurairo, kuti Jehovha akaraira Mosesi, kuti vana VaIsiraeri vanofanira kugara pamatumba pamutambo womwedzi wechinomwe;

15uye kuti vanofanira kuzivisa nokuparidza shoko iro pamaguta avo ose, napaJerusaremu, vachiti, “Budirai kugomo, mundotora matavi emiorivhi, namatavi emiorivhi yomusango, namatavi emimirite, namatavi emichindwe, namatavi emiti mikobvu, kuti muite matumba sezvakanyorwa.”

16Naizvozvo vanhu vakabuda, vakauya nawo, vakazviitira matumba, mumwe nomumwe pamusoro pedenga reimba yake, napavazhe dzavo, napavazhe dzeimba yaMwari, napadare resuwo remvura, napadare resuwo raEfuremu.

17Ungano yose yavakanga vakadzoka pakutapwa vakaita matumba, vakagara pamatumba; nokuti kubva pamazuva aJeshua mwanakomana waNuni kusvikira pazuva iro, vana VaIsiraeri vakanga vasina kuita izvozvo. Pakava nomufaro mukuru.

18Uye zuva rimwe nerimwe, kubva pazuva rokutanga kusvikira pazuva rokupedzisira, akarava muBhuku roMurairo waMwari. Vakaita mutambo mazuva manomwe; pazuva rorusere vakaita ungano yokupedzisira, sezvakanga zvatemwa.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help