Jeremiya 13 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

Mufananidzo webhandi

1Zvanzi naJehovha kwandiri, “Enda undozvitengera bhandi romucheka, uzvisunge chiuno naro; asi usaruisa mumvura.”

2Ipapo ndakatenga bhandi, sezvakarehwa neshoko raJehovha, ndikazvisunga chiuno naro.

3Zvino shoko raJehovha rakauya kwandiri rwechipiri, richiti,

4“Tora bhandi rawatenga, riri pachiuno chako, usimuke uende kurwizi rwaYufuretesi, undoriviga mumukaha wedombo.”

5Ipapo ndakaenda, ndikandoriviga parwizi rwaYufuretesi, sezvandakarairwa naJehovha.

6Zvino mazuva mazhinji akati apfuura, Jehovha akati kwandiri, “Simuka, uende kwaYufuretesi, utorepo bhandi randakakuraira kuti urivigepo.”

7Ipapo ndakaenda kwaYufuretesi, ndikachera, ndikatora bhandi pandakanga ndariviga; zvino tarira, bhandi rakanga raora, risina basa chose.

8Zvino shoko raJehovha rakauya kwandiri richiti,

9“Zvanzi naJehovha, ‘Saizvozvo ndichaodza kuzvikudza kwaJudha, nokuzvikudza kukuru kweJerusaremu.

10Vanhu ava vakaipa, vanoramba kunzwa mashoko angu, vanofamba nohukukutu hwemwoyo yavo, vakatevera vamwe vamwari kuti vavashumire nokuvanamata, vachafanana nebhandi iri, risina basa chose.’

11“Nokuti bhandi sezvarinonamatira pachiuno chomunhu, saizvozvo ndakanga ndanamatidza imba yaIsiraeri yose neimba yaJudha kwandiri,” ndizvo zvinotaura Jehovha kuti vave vanhu vangu, nembiri yangu, nokurumbidzwa kwangu, nokubwinya kwangu; asi vakaramba kuteerera.

12Naizvozvo unofanira kutaura shoko iri kwavari, “Zvanzi naJehovha, Mwari waIsiraeri, ‘Mudziyo mumwe nomumwe uchazadzwa newaini;’ zvino ivo vachati kwauri, ‘Hatizivi kanhi kuti mudziyo mumwe nomumwe uchazadzwa newaini?’

13Ipapo uti kwavari, ‘Zvanzi naJehovha tarirai, vose vagere munyika ino, iwo madzimambo agere pachigaro choushe chaDhavhidhi, navapristi navaporofita, navose vagere Jerusaremu, ndichavazadza nokubatwa newaini.

14Ndichavagumirisana, madzibaba navanakomana vavo pamwechete ndizvo zvinotaura Jehovha. Handinganzwiri tsitsi, handingadariki mumwe, kana kuva nengoni, kuti ndirege kuvaparadza.’ ”

15Inzwai, murerekere nzeve; musazvikudza, nokuti Jehovha akataura.

16Rumbidzai Jehovha, Mwari wenyu, asati auyisa rima, tsoka dzenyu dzisati dzagumburwa pamakomo erima, iye asati ashandura chiedza chamakamirira, akachiita mumvuri worufu, nokuchiita rima guru.

17Asi kana musingadi kuzvinzwa, mweya wangu uchakuchema pakavanda nokuda kwokuzvikudza kwenyu; meso angu achachema kwazvo, achayerera misodzi, nokuti boka raJehovha ratapwa.

18Iti kuna mambo nokuna mai vamambo, “Garai pasi–pasi kwazvo, nokuti zvishongo zvemisoro yenyu zvawira pasi, iyo korona yokukudzwa kwenyu.”

19Maguta okurutivi rwezasi akazarirwa, hakuna unoazarura; vaJudha vakatapwa vose, vakatapwa chose–chose.

20“Ringira meso ako, uone vanobva kurutivi rwokumusoro. Ko boka rawakapiwa, iro boka rako rakanaka kwazvo, riripi?

21Uchati kudiniko kana achiisa pamusoro pako ivo vawakadzidzisa kuva shamwari dzako vave vabati vako? Haungabatwi nokurwadziwa sokuwomukadzi unopona here?

22Zvino kana ukati mumwoyo mako, ‘Izvozvi zvandiwira neiko?’ Nguo dzako dzakafukurwa nezvitsitsino zvako zvakuvadzwa nemhaka yohukuru hwezvakaipa zvenyu.

23Ko muItiopia ungashandura ganda rake, kana ingwe mavara ayo here? Kana zvaibvira, nemiwo maigona kuita zvakanaka, iyemi makarovera kuita zvakaipa.

24“Saka ndichavaparadzira sehundi inopepereswa nemhepo murenje.

25Ndizvo zvawakagoverwa, ndiwo mugove wawakayererwa neni ndizvo zvinotaura Jehovha; nokuti wakandikanganwa, ukavimba nezvehama.

26Saka ndichafukurawo nguo dzako pamberi pako, kunyadziswa kwako kuonekwe.

27Ndakaona kunyangadza kwako, ihwo hupombwe hwako, nokufemhedza kwako, nokunyadza kwokupombora kwako pazvikomo zvokubundo. Une nhamo, iwe Jerusaremu! Unoramba kunatswa; zvichadaro kusvikira rinhiko?”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help