1Petirosi, mupostori waJesu Kristu, kuna vakasanangurwa vari vaeni, vakapararira muPondusi, neGaratia, neKapadhosia, neEzhia, neBhitinia,
2vakasanangurwa nokuziva zviri mberi kwaMwari Baba, muutsvene hwoMweya, kuti vateerere, vasaswe neropa raJesu Kristu: Nyasha norugare ngazviwanzwe kwamuri.
Nhaka yakachengeterwa vakasanangurwa3Mwari, Baba vaIshe wedu, Jesu Kristu, ngaatendwe, akatiberekazve nengoni dzake huru, kuti tive netariro mhenyu, inouya nokumuka kwaJesu Kristu kuvakafa,
4kuti tive nenhaka isingaori, isina mhosva, isingasvavi, yamakachengetererwa kudenga,
5imi munorindwa nesimba raMwari nokutenda, kuti mupiwe ruponeso, rwakagara rwagadzirwa, kuti ruratidzwe nenguva yokupedzisira.
6Iyo yamunofarira zvikuru, kunyangwe zvino, kana zvichifanira, muchichemedzwa nguva duku nemiedzo mizhinji;
7kuti kuedzwa kwokutenda kwenyu kunokosha zvikuru kupfuura ndarama inopera hayo, kunyangwe inoedzwa nomoto, kuwanikwe kuchibereka kurumbidzwa, nokubwinya, nokukudzwa pakuonekwa kwaJesu Kristu;
8iye wamunoda, kunyangwe musina kumuona; iye wamunotenda kwaari, kunyangwe musingamuoni zvino, muchifara zvikuru nomufaro usingagoni kutaurwa, uzere nokubwinya,
9muchipiwa chinovavarirwa nokutenda kwenyu, ndirwo ruponeso rwemweya yenyu.
10Ruponeso urwu rwakabvunzisiswa nokunzverwa kwazvo navaporofita, vakaporofita zvenyasha dzamaizoitirwa imi,
11vachinzvera kuti nguva ndeipi, kana yakadini, yakataurwa noMweya waKristu, wakanga uri mukati mavo, nguva yaakapupura kare zvokutambudzika kwaKristu, nokubwinya kunozotevera izvozvo.
12Avo, vakaratidzwa kuti vakanga vasingazvibatiri ivo, asi imi, pazvinhu izvo zvamakataurirwa zvino naivo vakakuparidzirai Vhangeri noMweya Mutsvene akatumwa achibva kudenga; zvinhu izvo vatumwa vanoda kuzvichirekedza.
Ivai vatsvene13Saka zvisungei zviuno zvendangariro dzenyu, musvinure, mutarire nomwoyo wose kunyasha dzamuchazopiwa pakuonekwa kwaJesu Kristu;
14muve savana vanoteerera, musingaenzanisi mufambiro wenyu nokuchiva kwakare pakusaziva kwenyu;
15asi saiye mutsvene akakudanai, nemiwo mumene muve vatsvene pamufambiro wenyu wose;
16nokuti kwakanyorwa, kuchinzi, “Ivai vatsvene, nokuti ini ndiri mutsvene.”
17Zvino kana muchimuti Baba, iye anotonga achitarira zvakaitwa nomumwe asingatariri zvinoonekwa zvomunhu, garai panguva youtorwa hwenyu muchitya;
18muchiziva kuti hamuna kudzikinurwa nezvinoora, sesirivha kana ndarama, pamufambiro wenyu usina maturo, wamakasiyirwa namadzibaba enyu;
19asi neropa raKristu, seregwayana risina charingapomerwa, risina ruvara;
20iye wakazikanwa kare, nyika isati yavambwa, asi akaratidzwa pakuguma kwenguva nokuda kwenyu,
21imi, munotenda naye kuna Mwari, wakamumutsa kuvakafa, akamupa kubwinya; kuti kutenda kwenyu netariro yenyu zvive kuna Mwari.
22Zvamakanatsa mweya yenyu muchiteerera chokwadi, kuti mude hama nokusanyengera, munofanira kudana zvikuru nomwoyo wose;
23nokuti makaberekwa kutsva, zvisingabvi pambeu inoora, asi pane isingaori, neshoko raMwari benyu rinogara nokusingaperi.
24Nokuti,
“Nyama yose yakaita souswa,
Nokunaka kwose seruva rouswa.
Uswa hunosvava, neruva rinowira pasi;
25Asi shoko raIshe rinogara nokusingaperi.”
Ndirori shoko romufaro ramakaparidzirwa.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.