1Kurwa nokukakavara pakati penyu zvinobvepiko? Hazvibvi pakuchiva kwenyu, kunorwa pamitezo yenyu here?
2Munochiva, asi hamuna chinhu; munouraya, munogodorana, musingagoni kuwana chinhu; munokakavara, muchirwa; hamuna chinhu, nokuti hamukumbiri.
3Munokumbira, musingapiwi; nokuti munokumbira zvakaipa, kuti muzviparadze pakuchiva kwenyu.
4Imi voutere, hamuzivi here kuti ushamwari hwenyika hunovengana naMwari? Naizvozvo mumwe nomumwe, anoda kuva shamwari yenyika, anozviita muvengi waMwari.
5Munofunga kuti Rugwaro runotaura pasina here, ruchiti, “Mweya, waakagarisa mukati medu anotishuva negodo?”
6Asi anopa nyasha dzakapfuura. Saka Rugwaro runoti, “Mwari anodzivisa vanozvikudza, asi anopa nyasha vanozvininipisa.”
7Naizvozvo muzviise pasi paMwari; dzivisai Dhiabhori, agokutizai.
8Swederai kuna Mwari, iye agoswedera kwamuri. Shambai maoko enyu, imi vatadzi; natsai mwoyo yenyu, imi mune mwoyo miviri.
9Shuwai mucheme, murire; kuseka kwenyu ngakushandurwe kuve kuchema, nokufara kwenyu dzive shungu.
10Muzvininipise pamberi paIshe, agokukudzai.
Musatongana nokutonga vamwe11Hama dzangu, musareverana zvakaipa. Unorevera hama yake zvakaipa, kana kutonga hama yake, unorevera murairo zvakaipa nokutonga murairo; zvino kana uchitonga murairo, hauzi muiti womurairo, asi mutongi.
12Mumwe chete ndiye mutemi womurairo nomutongi, iye anogona kuponesa nokuparadza; asi iwe ndiwe aniko unotonga wokwako?
Zvamangwana hazvizikanwi13Nhai imi, munoti “Nhasi, kana mangwana tichaenda kuguta rokuti, tigogarako gore, tichishambadzira, tifume
14imi musingazivi zvamangwana. Upenyu hwenyu Chiiko? Nokuti muri mhute, inoonekwa nguva duku, ndokunyangarika.”
15Mungadai muchiti, “Kana Ishe achida, tichararama tiite zvokuti nezvokuti.”
16Asi zvino munozvirumbidza pakuzvikudza kwenyu; kuzvirumbidza kwose kwakadai kwakaipa.
17Naizvozvo uyo, anoziva kuita zvakanaka, akasazviita, iye ane zvivi.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.