1Zvino Eriya muTishibhi, waigara Giriadhi, wakati kuna Ahabhi, “NaJehovha mupenyu, Mwari waIsiraeri, iye wandimire pamberi pake, hapangavi nedova kana mvura makore ano, asi kana ndareva ini.”
2Zvino shoko raJehovha rikasvika kwaari richiti,
3“Chibva pano, uende kurutivi rwamabvazuva, undovanda parukova Keriti, ruri pamberi paJodhani.
4Unofanira kunwa mvura yorukova, uye ndakaraira makunguo kukupa zvokudya ipapo.”
5Naizvozvo akaenda, akaita sezvaakaudzwa naJehovha; wakandogara parukova Keriti ruri pamberi paJodhani.
6Makunguo akamuvigira chingwa nenyama mangwanani, nechingwa nenyama madekwana; akanwa mvura yorukova.
7Zvino nguva yakati yapfuura rukova rukapwa, nokuti mvura yakanga isinganayi panyika.
Muporofita Eriya anotumwa kuchirikadzi paZarefati8Zvino shoko raJehovha rikasvika kwaari, richiti,
9“Simuka, uende Zarefati panyika yeZidhoni, ugarepo; tarira, ndaraira chirikadzi igerepo, kuti ikupe zvokudya.”
10Naizvozvo akasimuka, akaenda Zarefati; wakati asvika pasuwo reguta, akaona chirikadzi yakanga igerepo, ichiunganidza tutsotso; akamudana, akati, “Nditorerewo mvura shomanene mumukombe, ndinwe.”
11Zvino wakati achienda kuzoitora, akamudana, akati, “Dondivigirawo chimedu chechingwa muruoko rwako.”
12Iye akati, “NaJehovha Mwari wenyu mupenyu, handina chingwa, asi tsama imwe youpfu mudende, namafuta mashomanene muchinu; tarirai, ndakanga ndichiunganidza tutsotso tuviri, ndichiti ndoenda ndizvigadzirire ini nomwanakomana wangu, tidye, tife hedu.”
13Ipapo Eriya akati kwaari, “Usatya hako, enda undoita chingwa chiduku, undivigire icho, ugozviitira iwe nomwanakomana wako pashure.
14“Nokuti zvanzi naJehovha Mwari waIsiraeri, ‘Upfu huri mudende haungaperi, namafuta ari muchinu haangashaikwi, kusvikira pazuva Jehovha raachanaisa naro mvura panyika.’ ”
15Iye akaenda, akandoita sezvakataura Eriya; iye mukadzi, naiye Eriya, neimba yake, vakadya mazuva mazhinji.
16Upfu hwakanga huri mudende hauna kupera, namafuta akanga ari muchinu haana kushaikwa, sezvakanga zvarehwa naJehovha nomuromo waEriya.
17Zvino pashure paizvozvo mwanakomana womukadzi, mwene weimba, akarwara; kurwara kwake kukanyanya kwazvo, kusvikira apererwa nomweya.
18Mukadzi akati kuna Eriya, “Ndineiko nemi, imi munhu waMwari? Makapinda mumba mangu kuti zvivi zvangu zvirangarirwe, uye kuti mwanakomana wangu aurawe here?”
19Akati kwaari, “Ndipe mwanakomana wako.” Akamutora pachipfuva chomukadzi, akamutakurira kuimba yokumusoro, kwaaigara, akamuradzika panhoo yake,
20akadanidzira kuna Jehovha, akati, “Jehovha Mwari wangu, makaitireiko chirikadzi yandigere nayo chakaipa chakadai, zvamauraya mwanakomana wake?”
21Akatsiyama pamusoro pomwana katatu, akadanidzira kuna Jehovha, akati, “Jehovha Mwari wangu, ndinokumbira, mweya womwana uyu ngaudzokerezve kwaari.”
22Jehovha akanzwa izwi raEriya, mweya womwana ukadzokerazve kwaari, akararamazve.
23Ipapo Eriya akatora mwana, akaburuka naye paimba yokumosoro, akamuisa mumba, akamupa mai vake. Eriya akati, “Tarira, mwana wako mupenyu.”
24Mukadzi akati kuna Eriya, “Zvino ndinoziva kuti muri munhu waMwari, uye kuti shoko raJehovha, riri mumuromo menyu, nderazvokwadi.”
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.