1Zvino kwakati kwatemwa kuti tiende Itaria nechikepe, vakaisa Pauro navamwe vasungwa kumukuru wezana, ainzi, “Jurio, wehondo yaAugusto.”
2Zvino takati tapinda muchikepe cheAdhiramitiumu, chakanga choenda napamisha yemhenderekedzo dzeEzhia, tikabva tina Arisitakusi muMasedhonia, aibva Tesaronika.
3Fume mangwana tikasvika Sidhoni, Jurio akaitira Pauro zvakanaka, akamutendera kuti aende kushamwari dzake, achengetwe navo.
4Tikabva ipapo, tikapfuura nenyasi kweSaipurasi, nokuti mhepo yakatidzivisa.
5Zvino tikayambuka gungwa reSirisia nePamufiria, tikasvika Mira, musha weRikiya.
6Mukuru wezana akawanapo chikepe cheArekizandiria, chaienda Itari, ndokutipinzamo.
7Zvino takanatsofamba mazuva mazhinji, tikasvika pakatarisana neKinidhusi tichitambudzika, mhepo zvayakanga isingatitenderi kufamba, tikapfuura nenyasi kweKiriti, pakatarisana neSarimoni.
8Tikapfuura napo tichitambudzika, ndokusvika pamwe painzi Zororo Rakanaka, pedyo neguta reRasea.
9Zvino nguva huru yakati yapfuura, nokufamba negungwa kwava nenjodzi, nokuti nguva yokuzvinyima zvokudya yakanga yatopfuura, Pauro akavaraira,
10akati kwavari, “Varume, ndinoona kuti rwendo rwedu ruchava nokutambudzika nokurasikirwa kukuru, zvisati zviri zvomutoro nechikepe bedzi, asi nokwoupenyu hweduwo.”
11Asi mukuru wezana akaterera mufambisi wechikepe, nomwene wacho, kupfuura zvakarehwa naPauro,
12nokuti zororo zvarakanga risina kunaka kuti vagarepo chando, vamwe vazhinji vakati zviri nani kuti vabvepo, kuti zvimwe vangasvika Fenika vagarepo chando; ndiro zororo reKiriti, rakanga rakatarira mabvazuva kumusoro nezasi.
13Zvino mhepo yezasi yakati ichirira zvishoma, vakati tawana zvatakanga tichivinga, vakabvapo, vakafamba pedyo neKiriti.
14Zvino gare–gare mhepo ine simba, yainzi, “Yurakuro,” ikaburuka ichibva kwairi, ikatiwira.
15Zvino chikepe chakati chichibatwa, tisingagoni kufamba takatarira mhepo, tikachirega, tikaramba tichingotorwa.
16Zvino tikafamba nyasi kwechimwe chiwi chiduku, chainzi Kaudha, tikanga tokoniwa kusunga igwa.
17Vakati varisimudza, vakatora zvibatsiro, vakasunga chikepe nenyasi; zvino zvavakatya kuti vachakandirwa pajecha reSiritisi, vakaderedza masaira, ndokungotorwa.
18Fume mangwana, zvakatambura kwazvo nedutu remhepo, vakakandira nhumbi kunze;
19nezuva retatu, vakakandira zvinhu zvechikepe kunze namaoko avo.
20Zvino zvatakanga tisina kubudirwa nezuva kana nyenyedzi mazuva mazhinji, nedutu guru remhepo richirambira riripo, takatorerwa kutarira kwose kwokuti tichaponeswa.
21Zvino vakati vagara nguva refu vasingadyi, Pauro akamira pakati pavo, akati, “Varume, maifanira kunditeerera, mukasabva Kiriti, mukasawirwa nokutambudzika nokurasikirwa uku.
22Asi zvino ndinokurairai kuti mutsunge mwoyo; nokuti hakuna angarasikirwa noupenyu hwake pakati penyu, asi chikepe bedzi.
23Nokuti usiku huno mutumwa waMwari, wandiri wake, nowandinoshumirawo, akamira neni,
24akati, ‘Pauro, usatya; unofanira kumira pamberi paKesari; tarira, Mwari akakupa vose vanofamba newe muchikepe.’
25Naizvozvo, varume, tsungai mwoyo, nokuti ndinotenda Mwari, kuti zvichaitika sezvandakaudzwa.
26Asi tinofanira kukandirwa pane chimwe chiwi.”
27Zvino usiku hwegumi nouna hwakati hwasvika, tichangotorwa–torwa muGungwa reAdhiria, pakati pousiku vafambisi vechikepe vakati voswedera kune imwe nyika.
28Vakayera kudzika kwemvura, vakawana pakaita mafadhomi makumi maviri; vakapfuura zvishoma, ndokuyerazve, vakawana pakaita mafadhomi ane gumi namashanu.
29Zvino vakatya kuti zvimwe tichawira pamabwe, vakakanda zvimiso zvina neshure kwechikepe, vakachema vachiti kuedze.
30Zvino vafambisi vakati vachida kutiza muchikepe, vakaburusira igwa mugungwa, vachiita savanenge vokanda zvimiso kumuromo wacho.
31Pauro akati kumukuru wezana navarwi, “Hamungararami kana ava vasingagari muchikepe.”
32Ipapo varwi vakagura mabote egwa, vakarirega, rikawa.
33Zvino kwakati kwoedza, Pauro akakumbira zvikuru kwavari vose kuti vadye, achiti, “Nhasi rava zuva regumi nerechina, ramakagara muchizvinyima kudya, musingadyi chinhu.
34“Saka ndinokumbira zvikuru kuti mudye, nokuti ndizvo zvichakuponesai; nokuti hakuna ruvhudzi rumwe ruchaparadzwa pamusoro womumwe wenyu.”
35Akati areva izvozvo, akatora chingwa, akavonga Mwari pamberi pavo vose, akachimedura, ndokutanga kudya iye.
36Ipapo vakatsunga mwoyo vose, vakadyawo vamene.
37Isu tose taiva muchikepe, taiva mazana maviri namakumi manomwe navatanhatu.
38Zvino vakati vaguta, vakarerusa chikepe, vachikandira zviyo mugungwa.
39Kwakati kwoedza, vakasaziva nyika; asi vakaona zororo raiva nejecha, vakarangana kana zvaibvira kuitika, kuti vaise chikepe pariri.
40Ipapo vakagura zvimiso, vakazvisiya mugungwa, vakasunungura zvisungo zvaisunga zvokudzoresa nazvo, vakasimudzira seiri rapamberi kumhepo, vakaruramira kumhenderekedzo.
41Zvino vakati vachisvika paidira makungwa maviri, vakagumirisa chikepe pasi; muromo wacho ukabatwa kwazvo usingazununguki, asi rutivi rwacho rweshure rukavhunika nesimba remvura.
42Zvino varwi vakati zviri nani kuti vasungwa vauraiwe, kuti vamwe varege kutiza vachishambira.
43Asi mukuru wezana akada kuponesa Pauro, akavadzivisa zvavakanga vachida kuita; akarayira kuti vanogona kushambira, vatange kuzviwisira mumvura, vabude kunyika;
44vamwe, vasara, vabude vamwe pamatanda, vamwe panezvimwe zvinhu zvechikepe. Naizvozvo zvakaitika kuti vose vakasvika kunyika vari vapenyu.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.