2 VaKorinde 9 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

1Nokuti kana kuri kushumira vatsvene, handifaniri kuti ndikunyorerei;

2nokuti ndinoziva kuda kwomwoyo yenyu, kwandinozvirumbidza nako kuna vaMasedhonia kuti, “VaAkaia vakanga vazvigadzira kubvira makei; nokushingaira kwenyu kwakamutsa vazhinji.”

3Zvino, ndakatuma hama idzi, kuti kuzvirumbidza kwedu pamusoro penyu kurege kuitwa pasina chinhu ichi; kuti, sezvandakareva, mugare makazvigadzira;

4kuti zvimwe kana vamwe veMasedhonia vachiuya neni, vakakuwanai musina kuzvigadzira, isu (hatirevi imi) tirege kunyadziswa pakutenda uku.

5Naizvozvo ndakati zvakafanira kuti ndirayire hama idzi, kuti vatange kuenda kwamuri, vatange kumbogadzira chipo chokuvonga chamakapikira kare, kuti ichi chigare chakagadzirwa chiri chipo chokuvonga, chirege kuva chinhu chakatorwa nesimba.

6Zvino rangarirai chinhu ichi: Anodyara zvishoma, achachekawo zvishoma; anodyara zvizhinji, achachekawo zvizhinji.

7Mumwe nomumwe ngaaite sezvaakafunga mumwoyo; arege kuita nokuchema, kana nokurovererwa; nokuti Mwari anoda munhu anopa nomufaro.

8Mwari anogona kukuwanzirai nyasha dzose kuti nguva dzose muve nokuringana kwose pazvose, kuti muwanze mabasa ose akanaka;

9sezvazvakanyorwa, zvichinzi,

“Iye akaparadzira, iye akapa varombo;

Kururama kwake kunogara nokusingaperi.”

10Zvino iye, anopa mudyari mbeu nechingwa, kuti zvive zvokudya, achakupaiwo mbeu dzokudyara achidziwanza, nokuwedzera zvibereko zvokururama kwenyu;

11muchifumiswa pazvose mugoziva kupa zvakawanda, zvinoti, kana zvichiitwa nesu, Mwari anovigirwa nazvo kuvonga.

12Nokuti kushumira kwokubatsira uku hakuzadzisi kushayiwa kwavatsvene bedzi, asi kunowanzisawo kuvonga kuna Mwari;

13nokuda kwezvinoonekwa pakushumira uku vanorumbidza Mwari, pamusoro pokupupura kwenyu kwakateerera Vhangeri yaKristu, napamusoro pokupa kwenyu zvakawanda kwavari nokuna vose.

14Naivo vomene vanokushuvai, vachikukumbirirai, nokuda kwenyasha huru–huru dzaMwari pamusoro penyu.

15Mwari ngaavongwe pamusoro pechipo chake, chisingagoni kurondedzerwa.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help