Mapisarema 62 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

Kunyarara kwomweya womunhu anovimba naMwariKumutungamiriri wokuimba; nomutoo waJedhutuni. Pisarema raDhavhidhi.

1Zvirokwazvo, mweya wangu unongorindira Mwari;

Kwaari ndiko kunobva kuponeswa kwangu.

2Ndiye oga dombo rangu nomuponesi wangu;

Ndiye shongwe yangu yakakwirira;

handingazununguswi zvikuru.

3Muchavavarira munhu kusvikira rinhiko,

Kuti mumuuraye imi mose,

Sorusvingo runoda kuwa, noruzhowa runotseyama?

4Vanongorangana kuti vamusundire

pasi abve paukuru hwake;

Vanofarira nhema;

Vanoropafadza nomuromo wavo,

asi vanotuka mumwoyo mavo.

5Mweya wangu, rindira Mwari zvirokwazvo;

Nokuti ndinomutarira iye.

6Ndiye oga dombo rangu noruponeso rwangu;

Ndiye shongwe yangu yakakwirira;

handingazununguswi.

7Kuna Mwari ndiko kuno kuponeswa

kwangu nokukudzwa kwangu;

Dombo resimba rangu noutiziro

hwangu zviri kuna Mwari.

8Vimbai naye nguva dzose, imi vanhu;

Dururai mwoyo yenyu pamberi pake;

Mwari ndiye utiziro hwedu.

9Zvirokwazvo vanhu vasingakudzwi

mweya chete, uye vanhu vanokudzwa inhema;

Pakuyerwa havaremi;

Vose pamwechete vakareruka kupfuura mweya.

10Regai kuvimba nokumanikidza,

Regai kuzvikudza pamusoro pokupambara;

Kana pfuma ichiwanda, regai kuinamatira nomwoyo.

11Mwari akataura kamwechete,

Ndakazvinzwa kaviri;

Kuti simba nderaMwari;

12Netsitsiwo ndedzenyu, Ishe;

Nokuti munoitira munhu mumwe

nomumwe sezvaakabata.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help