Jakobho 1 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

Kwaziso

1Jakobho, muranda waMwari nowaIshe Jesu Kristu, kumarudzi ane gumi namaviri akapararira: Farai!

Kutambudzika nemiedzo

2Hama dzangu, muti mufaro bedzi kana muchiwira mumiedzo mizhinji;

3muchiziva kuti kuedzwa kwokutenda kwenyu kunobereka kutsungirira.

4Asi kutsungirira ngakuve nebasa rakakwaniswa, kuti mukwane, mururame kwazvo, musingashayiwi chinhu.

5Zvino kana mumwe wenyu achishayiwa kuchenjera ngaakumbire kuna Mwari, anongopa vose asingazotuki; achapiwa hake.

6Asi ngaakumbire nokutenda, asinganyunyuti napaduku; nokuti munhu anonyunyuta akaita sefungu regungwa rinosundwa nemhepo richimutswa–mutswa.

7Munhu uyu ngaarege kufunga kuti achazowana chinhu kuna Ishe;

8munhu, ane mwoyo miviri, anoshanduka–shanduka panzira dzake dzose.

9Asi hama iri muduku zvayo ngaafare nokukudzwa kwake;

10nomupfumi nokuninipiswa kwake, nokuti achapfuura seruva rouswa.

11Nokuti zuva rinobuda pamwechete nemhepo inopisa, ndokuomesa uswa; ruva rahwo rinowira pasi, nokunaka kwahwo kwakanga kwaonekwa kunopera; saizvozvowo mupfumi achasvava panzira dzake.

12Akaropafadzwa munhu uyo anotsunga mwoyo pakuedzwa; nokuti kana atendwa, achapiwa korona youpenyu yakapikirwa avo vanomuda.

13Kana munhu achiedzwa, ngaarege kuti ndinoedzwa naMwari; nokuti Mwari haangaedzwi nezvakaipa, naiye amene haangaedzi munhu.

14Asi munhu mumwe nomumwe anoedzwa kana achikwewa nokuchiva kwake achinyengerwa.

15Zvino kuchiva, kana kwarema, kunozvara zvivi; nezvivi, kana zvakura, zvinobereka rufu.

16Musanyengerwa, hama dzangu dzinodikanwa.

17Zvipo zvose zvakanaka nezvipiwa zvose zvakakwana zvinobva kumusoro, zvichiburuka kuna Baba vezviedza, uyo asina kupinduka kana mumvuri wokushanduka.

18Nokuda kwake akatibereka neshoko rechokwadi, kuti isu tiite sechibereko chokutanga chezvisikwa zvake.

Ivai vaiti veshoko

19Munozviziva henyu izvozvi, hama dzangu dzinodikanwa. Asi munhu mumwe nomumwe ngaakurumidze kunzwa, anonoke kutaura, anonoke kutsamwa;

20nokuti kutsamwa kwomunhu hakuiti kururama kwaMwari.

21Saka bvisai tsvina yose nokuipa kwakawanda, mugamuchire nomwoyo munyoro shoko rakasimwa mukati menyu, rinogona kuponesa mweya yenyu.

22Asi ivai vaiti veshoko, musava vanzwi voga, muchizvinyengera.

23Nokuti kana munhu ari munzwi weshoko, asati ari muiti waro, akafanana nomunhu anoona chiso chake, chaakaberekwa nacho, muchionioni.

24Nokuti anozviona, ndokuenda, ndokukanganwa pakarepo kuti akadini iye.

25Asi munhu anocherechedza murairo wakakwana, iwo murairo wokusunungurwa, akaramba achidaro, asati ari munzwi, anokanganwa, asi muiti webasa, iye acharopafadzwa pane zvaanoita.

26Kana munhu achiti ndinonamata Mwari, asingadzori rurimi rwake, asi achinyengera mwoyo wake, kutenda kwaiyeyo munhu hakuna maturo.

27Kunamata, kwakarurama, kusina mhosva pamberi paMwari wedu naBaba, ndiko kufambira nherera nechirikadzi mukutambudzika kwavo, nokuzvichengeta, kuti arege kusvibiswa nenyika.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help