VaFiripi 3 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

Kushingayira kwaPauro kuziva Kristu

1Pakupedzisira, hama dzangu, farai muna Ishe. Ini handinetswi nokukunyoreraizve zvinhu zviya, asi zvinokusimbisai imi.

2Ityai imbwa, ityai vabati vakaipa, ityai vokucheka;

3nokuti isu tiri vokudzingiswa, tinonamata noMweya waMwari, tinozvirumbidza muna Kristu Jesu, tisingavimbi nenyama,

4kunyangwe ini hangu ndingavimba nenyama; kana kuno mumwe munhu anoti ndinovimba nenyama, zvikuru ini.

5Ndakadzingiswa nomusi worusere, ndiri worudzi rwaVaIsiraeri veimba yaBhenjamini, muHebheru wavaHebheru; pamurairo ndiri muFarisi;

6pakushingaira kwangu, ndaitambudza sangano; pakururama kunorehwa nomurairo ndakanga ndisina chandingapomerwa.

7Asi izvozvo, zvaiva pfuma kwandiri, ndakati ndiko kurashikirwa hako nokuda kwaKristu.

8Hongu, zvirokwazvo, ndinototi zvinhu zvose kurashikirwa hako nokuda kwokunaka kwokuziva Kristu Jesu, Ishe wangu, wandakarasikirwa nezvinhu zvose nokuda kwake, ndikazviedza marara, kuti ndiwane Kristu;

9ndiwanikwe maari, ndisina kururama kwangu kuri kwomurairo, asi kuri kwokutenda kuna Kristu, ndiko kururama kunobva kuna Mwari nenzira yokutenda;

10kuti ndimuzive iye, nesimba rokumuka kwake, nokusangana naye pamatambudziko ake, ndifanane naye pakufa kwake;

11kuti zvimwe ndisvike pakumuka kwavakafa.

12Handiti ndatochiwana, kana ndatokwaniswa, asi ndinoshingairirako, kuti zvimwe ndichibate, icho Kristu Jesu chaakambondibatira.

13Hama dzangu, ini handiti ndatochibata, asi ndinoita chinhu chimwe: ndinokanganwa zviri shure, ndichinanavira kune zviri mberi,

14ndinoshingairira kunharidzano, kuti ndipiwe mubairo wokudana kwaMwari kunobva kudenga, muna Kristu Jesu.

15Naizvozvo isu tose, takakura, ngative nomwoyo wakadaro; kana imi muno mumwe mwoyo, Mwari uchakuratidzai naizvozvowo.

16Asi, ngatirambe tichifamba bedzi nomurangariro iwoyu watasvika nawo patasvika.

17Hama dzangu, ivai vateveri vangu mose; natsai kurarira avo vanofamba saizvozvo sezvatakakutungamirirai isu.

18Nokuti vazhinji, vandakakuudzai zvizhinji, nazvino ndinokuudzaiwo nokuchema, vanofamba vari vavengi vomuchinjikwa waKristu;

19kuguma kwavo ndiko kuparadzwa, mwari wavo idumbu ravo, vanozvirumbidza pamusoro pezvinonyadzisa zvavo, vanofunga zvenyika.

20Nokuti nyika yedu iri kudenga, uko kwatakatarira kuuya kwoMuponesi Ishe Jesu Kristu;

21uyo achavandudza muviri wokuninipiswa kwedu, kuti ufanane nomuviri wokubwinya kwake, nesimba iro raanogonawo naro kuzviisira zvose pasi pake.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help