1Zvino Jerusaremu rakati rakundwa, negore repfumbamwe raZedhekiya mambo waJudha, nomwedzi wegumi, Nebhukadhineza mambo weBhabhironi akauya nehondo yake yose kuzorwa neJerusaremu, ndokurikomba.
2Zvino negore regumi nerimwe raZedhekiya, nomwedzi wechina, nezuva repfumbamwe romwedzi vakakoromora rusvingo rweguta,
3machinda ose amambo weBhabhironi akapinda, akagara pasi musuwo rapakati, vaiti Nerigarisharezeri, naSamigarinebho, naSherisekimu mukuru wavaranda, naNerigarisharezeri mukuru wen'anga, pamwechete namachinda ose amambo weBhabhironi.
4Zvino Zedhekiya mambo waJudha navarwi vose vakati vachivaona vakatiza, vakabuda muguta usiku, vachienda nenzira yokumunda wamambo, napasuwo raiva pakati pamasvingo maviri; akabuda achienda kumapani.
5Asi hondo yavaKaradhia yakadzingana navo, vakabata Zedhekiya pamapani eJeriko; zvino vakati vamubata, vakaenda naye kuna Nebhukadhineza mambo weBhabhironi paRibhira munyika yeHamati, iye akamutonga.
6Ipapo mambo weBhabhironi akauraya vanakomana vaZedhekiya paRibhira iye akataririra; uye mambo weBhabhironi wakaurayawo vakuru vose vaJudha.
7Akatumburawo meso aZedhekiya, akamusunga namaketani kuti amuise Bhabhironi.
8VaKaradhia vakapisa imba yamambo, nedzimba dzavanhu nomoto, vakakoromora masvingo eJerusaremu.
9Ipapo Nebhuzaradhani mukuru wavarindi akatapa vanhu vakanga vasara muguta, navashanduki vakanga vauya kwaari, navamwe vanhu vakanga vasara, akavaisa Bhabhironi.
10Asi Nebhuzaradhani mukuru wavarindi wakasiya munyika yaJudha vamwe varombo vavanhu, vakanga vasina chinhu, akavapa minda yemizambiringa nemimwe minda nenguva iyo.
11Nebhukadhineza weBhabhironi akaraira Nebhuzaradhani mukuru wavarindi pamusoro paJeremiya achiti,
12“Mumubate, mumuchengete zvakanaka, murege kumuitira chakaipa; asi mumuitire sezvaanotaura kwamuri.”
13Naizvozvo Nebhuzaradhani mukuru wavarindi akatuma nhume, naNebhushazibhani, mukuru wavaranda, naNerigarisharezeri mukuru wen'anga, navatariri vakuru vose vamambo weBhabhironi,
14ivo vakatuma nhume, vakandotora Jeremiya muruvazhe rwavarindi, vakamuisa kuna Gedharia mwanakomana waAhikami, mwanakomana waShafani, kuti aende naye kumusha kwake. Naizvozvo wakagara pakati pavanhu.
15Zvino shoko raJehovha rakasvika kuna Jeremiya, panguva yaakanga akapfigirwa muruvazhe rwavarindi richiti,
16“Enda, utaure naEbhedhimereki muItiopia, uti, zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, tarira, ndichaitira guta rino sezvandakareva, ndichariitira zvakaipa, handingariitira zvakanaka; zvichaitika nezuva iro iwe uchizviona.
17Asi iwe ndichakurwira nezuva iro, ndizvo zvinotaura Jehovha; iwe haungaiswi mumaoko avanhu vaunotya.
18Nokuti zvirokwazvo ndichakuponesa, haungaurawi nomunondo, asi upenyu hwako huchava kwauri chinhu chakapambwa, zvawakavimba neni, ndizvo zvinotaura Jehovha.”
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.