1Zvino Mwari akati kuna Jakobho, “Simuka, ukwire Bhetieri, undogara ikoko; uitire Mwari atari ipapo, iye akazviratidza kwauri panguva yokutiza kwako pamberi paEsau, mukuru wako.”
2Ipapo Jakobho akati kumhuri yake, navose vakanga vanaye, “Bvisai vamwari vedzimwe ndudzi vari pakati penyu, zvinatsei, mufuke dzimwe nguo;
3tisimuke, tikwire Bhetieri; ipapo ndichaitira Mwari atari, iye akanga aneni panzira yandakanga ndichifamba nayo.”
4Ivo vakapa Jakobho vamwari vose vedzimwe ndudzi vakanga vari pamaoko avo, nezvindori zvakanga zviri panzeve dzavo; Jakobho akazvicherera pasi pomuti womuouki wakanga uri paShekemu.
5Vakapfuura norwendo rwavo, maguta akanga akavakomba akatya Mwari kwazvo, vakasateverera vanakomana vaJakobho.
6Jakobho akasvika Ruzi, guta riri panyika yeKenani (rimwe zita ndiBhetieri), iye navanhu vose vaakanga anavo.
7Akavakapo atari, akatumidza zita renzvimbo iyoyo kuti Eribhetieri; nokuti Mwari akanga azviratidza kwaari ipapo, panguva yokutiza kwake pamberi pomukuru wake.
8Debhora, mureri waRabheka, akafa, akavigwa zasi kweBhetieri munyasi momuoki; zita rapo rikanzi Aronibhakuti.
9Ipapo Mwari akazviratidzazve kuna Jakobho pakubva kwake Padhani-aramu, akamuropafadza.
10Mwari akati kwaari, “Zita rako ndiJakobho, zita rako harichazonzi Jakobho, asi zita rako richanzi Isiraeri;” akamutumidza zita rinonzi Isiraeri.
11Zvino Mwari akati kwaari, “Ndini Mwari waMasimbaose; bereka vana, uwande; rudzi neboka rendudzi zvichabuda kwauri, namadzishe achabuda pachiuno chako;
12nyika yandakapa Abhurahamu naIsaka, ndichakupa iyoyo; vana vako vanokutevera ndichavapa nyika iyoyo.”
13Mwari akakwira, akabva kwaari, ipapo paakanga achitaura naye.
14Jakobho akamisa shongwe ipapo paakanga ataura naye, shongwe yebwe; akadurura pamusoro payo chipiriso chinodururwa, akadirawo mafuta pamusoro payo.
15Jakobho akatumidza nzvimbo iyoyo, pakanga pataura Mwari naye, zita rinonzi Bhetieri.
16Zvino vakafamba vachibva Bhetieri; chinhambo chakanga chichipo chokusvika Efurata; Racheri akazvara, akatambudzika pakupona kwake.
17Akati achitambudzika pakupona kwake, mbuya vakati kwaari, “Usatya hako, nokuti zvino uchava nomumwe mwanakomanazve.”
18Zvino mweya wake wakati uchibuda (nokuti wakafa), akamutumidza Bhenoni; asi baba vake vakamutumidza Bhenjamini.
19Racheri akafa, akavigwa panzira inoenda Efurata (rimwe zita ndiBhetirehemu).
20Jakobho akamisa shongwe pamusoro perinda rake, ndiyo shongwe yerinda raRacheri kusvikira zuva ranhasi.
21Isiraeri akafamba, akapfuurira mberi, akadzika tende rake neseri kweshongwe yeEdheri.
22Zvino Isiraeri agere munyika iyoyo, Rubheni akandovata naBhiriha, murongo wababa vake, Isiraeri akazvinzwa.
Zvino vanakomana vaJakobho vaiva gumi navaviri;
23vanakomana vaRea: Rubheni, dangwe raJakobho, naSimioni, naRevhi, naJudha, naIsakari, naZebhuroni;
24vanakomana vaRacheri: Josefa naBhenjamini;
25vanakomana vaBhiriha, murandakadzi waRacheri: Dhani naNafutari;
26vanakomana vaZiripa, murandakadzi waRea: Gadhi naAsheri. Ndivo vanakomana vaJakobho, vaakazvarirwa paPadhani-aramu.
27Jakobho akasvika kuna Isaka, baba vake paMamure, paKiriyatiabha (rimwe zita ndiHebhuroni), paigara Abhurahamu naIsaka vari vatorwa.
28Mazuva aIsaka akanga ari makore ane zana namakumi masere.
29Mweya waIsaka ukabuda, akafa, akasanganiswa navanhu vake, akwegura, ava namazuva mazhinji; Esau naJakobho, vanakomana vake, vakamuviga.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.