1 Madzimambo 19 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

Eriya pagomo reHorebhu

1Zvino Ahabhi wakaudza Jezebheri zvose zvakanga zvaitwa naEriya, zvokuuraya kwake vaporofita vose nomunondo.

2Ipapo Jezebheri akatuma nhume kuna Eriya, akati, “Vamwari ngavandirove, ngavarambe vachidaro, kana ini ndikasafananidza upenyu hwako noupenyu hwomumwe wavo mangwana nenguva ino.”

3Zvino wakati achiona izvozvo, akasimuka, akatiza, kuti arege kuurayiwa, akasvika paBheerishebha raiva raJudha, akasiya muranda wake ipapo.

4Asi iye wakafamba rwendo rwezuva rimwe kurenje, akandogara pasi pomurara, akakumbira kuti afe hake; akati, “Zvaringana hazvo; zvino Jehovha, chitorai henyu upenyu hwangu, nokuti handipfuuri madzibaba angu pakururama.”

5Akavata pasi, akavata hope pasi pomurara. Zvino mutumwa akamugunzva, akati kwaari, “Simuka, udye.”

6Akatarira, akaona pedyo nomusoro wake chingwa chiduku chakanga chagochwa pamazimbe, nechirongo chemvura. Akadya, akanwa, akavata pasizve.

7Mutumwa waJehovha akasvikazve rwechipiri, akamugunzva, akati, “Simuka, udye, nokuti uchakundwa norwendo.”

8Akasimuka, akadya, akanwa, akafamba asimbiswa nezvokudya izvo, mazuva makumi mana nousiku huna makumi mana kusvikira paHorebhu, pagomo raMwari.

9Akapindapo mubako, akagarapo. Zvino shoko raJehovha rikasvika kwaari, rikati, “Unobateiko pano Eriya?”

10Iye akati, “Ndakanga ndichishingairira Jehovha Mwari wehondo kwazvo, nokuti vana VaIsiraeri vakarasha sungano yenyu, vakaputsa atari dzenyu, nokuuraya vaporofita venyu nomunondo; ini ndoga, ndasara hangu; zvino votsvaka kundiuraya.”

11Iye akati, “Enda, undomira pagomo pamberi paJehovha.” Zvino Jehovha akapfuurapo, mhepo huru ine simba ikapamura makomo, ikaputsanya mabwe pamberi paJehovha; asi Jehovha akanga asiri mumhepo. Mhepo yakati yapfuura, kudengenyeka kwenyika kukavapo; asi Jehovha akanga asiri mukudengenyeka kwenyika.

12Kudengenyeka kwenyika kwakati kwapfuura, moto ukatevera; asi Jehovha akanga asiri mumoto; moto wakati wapfuura, kufefetera kwokudzikama kukavapo.

13Zvino Eriya wakati achizvinzwa, akafukidza chiso chake nenguo yake, akabuda, akandomira pamuromo webako. Ipapo izwi rikasvika kwaari, rikati, “Unobateiko pano, Eriya?”

14Iye akati, “Ndakanga ndichishingaira Jehovha Mwari wehondo kwazvo; nokuti vana VaIsiraeri vakarasha sungano yenyu, vakaputsa atari dzenyu, vakauraya vaporofita venyu nomunondo; ini, ini ndoga, ndasara hangu; zvino votsvaka kundiuraya.”

15Zvino Jehovha akati kwaari, “Dzoka nenzira yako yokurenje reDhamasikosi; kana wasvikapo, uzodze Hazaeri, ave mambo weSiria,

16naJehu mwanakomana waNimishi umuzodze ave mambo waIsiraeri, naErisha mwanakomana waShafati weAbherimehora, umuzodze ave muporofita panzvimbo yako.

17Nokuti unopukunyuka pamunondo waHazaeri, uchaurayiwa naJehu; unopukunyuka pamunondo waJehu, uchaurayiwa naErisha.

18Kunyangwe zvakadaro ndichasiya pakati paIsiraeri zviuru zvinomwe zvavanhu vasina kupfugamira Bhaari namabvi avo, vasina kumutsvoda nemiromo yavo.”

19Naizvozvo akabvapo, akandowana Erisha mwanakomana waShafati, wakanga achirima nenzombe dzakasungwa pamajoko ane gumi namaviri, iye ari pajoko regumi namaviri; Eriya akapfuura nokwaari, akakanda nguo yake pamusoro pake.

20Iye akasiya nzombe, akamhanya achitevera Eriya, akati, “Nditenderei henyu ndimbondotsvoda baba vangu namai vangu, ndigokuteverai.” Iye akati kwaari, “Chidzoka hako, nokuti ndakuiteiko?”

21Akadzoka pakumutevera, akatora nzombe dzejoko iro, akadzibaya, akagocha nyama yadzo achiita nhumbi dzadzo huni, ndokupa vanhu, ivo vakadya. Zvino wakasimuka, akatevera Eriya, akamubatira.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help