Nahumi 1 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

Jehovha anotsiva vavengi vake, asi anoruramisira vanhu vake

1“Chirevo chaMwari pamusoro peNinivha. Bhuku yezvakaonekwa naNahumi muErikoshi.

2“Jehovha ndiye Mwari ane godo, anotsiva; Jehovha anotsiva, azere nehasha; Jehovha anotsiva vadzivisi vake, anochengetera vavengi vake hasha dzake.

3Jehovha haakurumidzi kutsamwa, une simba guru, haangatongopembedzi ane mhosva; nzira yaJehovha iri pakati pechamupupuri nedutu, makore iguruva retsoka dzake.

4Anotuka gungwa, achiri omesa, anopwisa nzizi dzose; Bhashani rinoshaiwa simba, uye Karimeri, ruva reRebhanoni rinoshaiwa simba.

5Makomo anodedera pamberi pake, zvikomo zvinonyauka; nyika inosimuka pamberi pake, zvirokwazvo, iyo nyika yavose vagerepo.

6Ndiani angamira pamberi pehasha dzake? Ndiani angaramba amire pakutsamwa kwake kukuru? Hasha dzake dzakadururwa somoto, matombo akaputsanyiwa naye.

7Jehovha akanaka, inhare nezuva rokutambudzika; iye anoziva vanotizira kwaari.

8Asi achaparadza kwazvo nzvimbo yeguta nemvura inokukura, achidzingana navavengi vake kusvikira murima.

9Munorangarireiko pamusoro paJehovha? Iye achaparadza chose; nhamo haingamukizve rwechipiri.

10Nokuti kunyangwe kupindana-pindana seminzwa, kana kuita savakabatwa nezvavakanwa, vachaparadzwa chose samashanga akaoma.

11“Mumwe akabuda pakati penyu anorangarira zvakaipa pamusoro paJehovha, anorangana zvisina maturo.

12Zvanzi naJehovha, ‘Kunyangwe vane simba ravo rose, vakawandawo, kunyangwe zvakadaro vachatemwa, iye achaparara. Kunyangwe ndakakutambudzai, handingazokutambudziyizve.’

13Zvino ndichavhuna joko rake, ribve kwamuri, ndichadamburanya zvisungo zvenyu.

14“Jehovha akaraira pamusoro penyu, kuti vezita renyu varege kuzodyarwazve; mumba mavamwari venyu ndichaparadza zvifananidzo zvakavezwa nezvifananidzo zvakaumbwa; ndichakuchererai hwiro; nokuti makashata kwazvo.

15“Tarirai pamakomo tsoka dzounouya namashoko akanaka, anoparidza rugare! Itai mitambo yenyu, imi Judha, itai zvamakapika, nokuti akaipa haangazopfuurizve napakati penyu; akaparadzwa chose.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help