1Jehovha muchandikanganwa
nokusingaperi kusvikira rinhi?
Muchandivanzira chiso chenyu kusvikira rinhiko?
2Ndichafunga mano mumweya mangu kusvikira rinhi,
Ndine shungu pamwoyo pangu
zuva rimwe nerimwe?
Muvengi wangu achandikurira kusvikira rinhi?
3Rangarirai, mundipindure, Jehovha Mwari wangu;
Vhenekerai meso angu, ndirege kuvata hope dzokufa;
4Muvengi wangu arege kuti,
“Ndamukunda;”
Vadzivisi vangu varege kufara kana ndichizununguka.
5Asi ndakavimba nenyasha dzenyu;
Mwoyo wangu uchafara nokuponesa kwenyu;
6Ndichaimbira Jehovha,
Nokuti akandiitira zvakanaka.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.