1Zvino Fesito akati asvika panyika iyo, mazuva matatu apfuura, akakwira Jerusaremu, achibva Sizaria,
2vapristi vakuru navakuru vavaJudha vakamhan'arira Pauro kwaari vakamunyengetera,
3vakakumbira kuti avafadze pamusoro pake, amudanire Jerusaremu, kuti vamuvandire vamuuraye panzira.
4Asi Fesito akapindura, achiti, “Pauro akachengetwa Sizaria, uye kuti iye amene akanga okurumidza kuendako.
5Akati, avo vane simba pakati penyu, ngavaburuke neni; kana kune chinhu chisakafanira kumunhu uyu, ngavamupomere mhosva.”
6Akagara pakati pavo mazuva asingapfuuri masere kana gumi, ndokuburukira Sizaria; fume mangwana akagara pachigaro chokutonga, akarayira kuti vauye naPauro.
7Akati asvika, vaJudha vakabva Jerusaremu, vakamukomba, vakamupomera mhosva zhinji dzakaipa, dzavakanga vasingagoni kusimbisa.
8Zvino Pauro akazvidavirira, akati, “Handina kutadzira murairo wavaJudha, kana temberi, kana Kesari.”
9Zvino Fesito achida kufadza vaJudha, akapindura Pauro akati, “Unoda here kukwira Jerusaremu, undotongwako pamberi pangu pamusoro pezvinhu izvi?”
10Ipapo Pauro akati, “Ndinomira pamberi pechigaro chokutonga chaKesari, pandinofanira kutongwa; handina kuitira vaJudha zvisakarurama, sezvamunoziva nemiwo zvakanaka.
11Zvino kana ndinenge ndisakarurama, ndaita chinhu chinofanira rufu, handirambi kufa; asi kana pasina chinhu chezvokwadi pazvinhu zvavanondipomera, hakuna munhu angandiisa kwavari. Ndinozviisa kuna Kesari.”
12Ipapo Fesito akataurirana namakurukota, akapindura, akati, “Wazviisa kuna Kesari; kuna Kesari uchaenda.”
Pauro pamberi paAgiripa13Zvino mamwe mazuva akati apfuura, mambo Agiripa naBherinike vakasvika Sizaria kuzokwazisa Fesito.
14Vakati vagara mazuva mazhinji, Fesito akaisa mhosva yaPauro kuna mambo, achiti, “Kuno mumwe murume akasiyiwa pano naFerikisi, akasungwa;
15ndichiri paJerusaremu, vapristi vakuru navakuru vavaJudha vakamumhan'arira, vachikumbira kuti atongerwe rufu.
16Ndikavapindura, ndikati haizi tsika yavaRoma kuisa kumutongi munhu apomerwa, asati ava navapomeri pamberi pake, akatenderwa kuzvidavirira pamusoro pemhosva yaanopomerwa nayo.
17Zvino vakati vaungana pano, handina kunonoka, asi fume mangwana ndakagara pachigaro chokutonga, ndikarayira kuti vauye nomurume uyo.
18Zvino vapomeri vakasimuka, asi havana kumupomera mhosva yezvinhu zvakaipa zvandakanga ndichiti vachamupomera nazvo;
19asi vakanga vanamamwe mashoko okupira kwavo, noomumwe Jesu akanga afa, ainzi naPauro mupenyu.
20“Zvino ini, zvandakanga ndisingazivi mubvunziro wezvinhu zvakadai, ndikabvunza kana achida kuenda Jerusaremu kundotongwa ikoko pamusoro pezvinhu izvozvo.
21Asi Pauro akati akumbira kuti achengetwe kuzotongwa namambo mukuru, ndikarayira kuti achengetwe kusvikira ndichimutumira kuna Kesari.”
22Ipapo Agiripa akati kuna Fesito, “Neni ndinoda kunzwa munhu uyu ndimene.” Iye akati, “Mangwana muchamunzwa.”
23Fume mangwana Agiripa akati asvika naBherinike, vashonga kwazvo, vapinda mumba maitambirwa mhaka, navakuru vechiuru chamazana, navakuru veguta, vakauya naPauro varayirwa naFesito.
24Zvino Fesito akati, “Mambo Agiripa, nemi varume vose vaneni, munoona munhu uyu, wandakanyengeterwa navaJudha vose paJerusaremu napano, vakadanidzira, vachiti, ‘Haafaniri kuva mupenyu.’
25Asi ini ndakawana kuti haana kuita chinhu chakafanira rufu, uye zvaakakumbira kuiswa kuna mambo mukuru, ndakati, ndichamutuma.
26Asi handina shoko kwaro rezvokwadi randinganyorera ishe pamusoro pake; saka ndauya naye pamberi penyu, zvikuru pamberi penyu, imi mambo Agiripa, kuti kana abvunziswa nemi, ndigova nezvandinganyora.
27Nokuti kwandiri zvakaita sezvisina kufanira kutuma musungwa, mhosva dzaakakwirirwa nadzo dzisingaziviswiwo.”
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.