Rwiyo Rukuru rwaSoromoni 7 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

1Tsoka dzako dzakanaka seiko

mushangu, iwe mukunda womuchinda!

Hudyu dzako, dzakatendereka, dzakaita sezvishongo,

Basa ramaoko emhizha.

2Guvhu rako rakaita somukombe wakatendereka,

Musingashaikwi waini yakavhenganiswa;

Chiuno chako chaita sedutu rezviyo

Rakakomberedzwa namaruva.

3Mazamu ako maviri akafanana navana vemharapara,

Vana vakaberekwa vari vaviri.

4Mutsipa wako wakaita seshongwe

yorunyanga rwenzou;

Meso ako samakuvi paHeshibhoni,

Pasuwo reBhatirabhimi;

Mhindo dzako dzakafanana neshongwe yeRebhanoni

Yakatarisana neDhamasikosi.

5Musoro wako pamusoro pako wakafanana neKarimeri;

Nevhudzi romusoro wako nomucheka mutsvuku;

Mambo akasungwa nevhudzi rakapetana.

6Wakanaka sei, unogadza sei,

Mudiwa, pakati pezvinofadza.

7Chimiro hwako hwakafanana nomuchindwe,

Namazamu ako namasumbu ezvibereko zvawo.

8Ndakati, ndichakwira mumuchindwe,

Ndibate matavi awo;

Mazamu ako ngaave samasumbu emizambiringa,

Nokunhuwira kwemhino dzako

sokunhuwira kwamaeporo,

9Nomuromo wako sewaini yakaisvonaka,

Inotapira mudikanwa wangu pakunwiwa kwayo,

Inoyerera pamiromo yavavete.

10Ndini womudiwa wangu;

Kuda kwake kunondivinga.

11Uya mudiwa wangu, ngatibudire kusango,

Ngatigare mumisha.

12Ngatifumire kuminda yemizambiringa;

Tinoona kana muzambiringa watunga;

Kana maruva akura,

Kana matamba atunga maruva;

Ndipapo pandichakupa rudo rwangu.

13Mudiwadiwa anobudisa kunhuhwira.

Pamikova yedu pane zvinonaka

zvamarudzi ose, zvitsva nezvitsaru,

Zvandakakuchengetera, iwe mudiwa wangu.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help