1Mashoko aAmosi, waiva mumwe wavafudzi veTekoa, aakaona pamusoro paIsiraeri namazuva aUziya mambo waJudha, uye namazuva aJerobhoami mwanakomana waJoashi mambo waIsiraeri, makore maviri achigere kusvika okudengenyeka kwenyika.
2Akati, “Jehovha uchaomba ari paZioni, achanzwisa izwi rake ari paJerusaremu; mafuro avafudzi achachema, musoro weKarimeri uchaoma.”
3Zvanzi naJehovha, “Nemhaka yokuti Dhamasiko vakadarika katatu, zvimwe kana, handingadzori kurohwa kwavo; nokuti vakapura Giriadhi nemipuro yamatare.
4Asi ndichatuma moto mumba maHazaeri, uchapedza dzimba dzohushe dzaBhenihadhadhi.
5Ndichavhuna chihuri cheDhamasikosi, nokuparadza vagere mumupata weAvheni nowakabata tsvimbo youshe paBhetiedheni; vanhu veSiria vachatapirwa Kiri,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
6Zvanzi naJehovha, “Nemhaka yokuti Gaza vakadarika katatu, zvimwe kana, handingadzori kurohwa kwazvo; nokuti vakatapa rudzi rwose, kundovaisa kuna Edhomu.
7Asi ndichatuma moto kurusvingo rweGaza, uchapedza dzimba dzaro dzoushe.
8Ndichaparadza vagere Ashidhodhi nowakabata tsvimbo youshe paAshikeroni; ndichatambanudzira ruoko rwangu kurwa naEkironi; vakasara vavaFirisitia vachaparadzwa,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
9Zvanzi naJehovha, “Nemhaka yokuti Taya yakadarika katatu, zvimwe kana, handingadzori kurohwa kwayo; nokuti vakaisa rudzi rwose kuna Edhomu vakasarangarira sungano yohukama hwavo.
10Asi ndichatuma moto kurusvingo rweTaya, uchapedza dzimba dzaro dzoushe.”
11Zvanzi naJehovha, “Nemhaka yokuti Edhomu akadarika, katatu, zvimwe kana, handingadzori kurohwa kwake; nokuti akateverera munun'una wake nomunondo, akarasha tsitsi dzose, kutsamwa kwake kukaramba kuchingobvambura, akaramba ane hasha nokusingaperi.
12Asi ndichatuma moto paTemani, uchapedza dzimba dzoushe dzeBhozira.”
13Zvanzi naJehovha, “Nemhaka yokuti vanhu vaAmoni vakadarika katatu, zvimwe kana, handingadzori kurohwa kwavo; nokuti vakatumbura vakadzi vakanga vane mimba veGiriadhi, kuti vakurise nyika yavo.
14Asi ndichabatidza moto parusvingo rweRabha, uchapedza dzimba dzaro dzoushe, vachidanidzira nezuva rokurwa, nedutu guru remhepo nezuva rechamupupuri;
15mambo wavo achatapwa, iye pamwechete namachinda ake,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.